Lesson
64
Kugara Kwakaita Pasi
1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vamire pakati pechita chevanhu vazhinji zhinji, vanoti ndiyani anoziya kugara kwakaita pasi.
2 vakanga vawona kuwanda kwakaita vanhu vakavadzidzisa zvaibva mudenga.
3 Chokutanga vanoti ndianiko anoziya kugara kwakaita Makomo.
4 Ipapo hapana akataura, nekuti pakanga pasina anoziya zvavayitaura.
5 zvino vakati munowona Makomo asina miti, vakoma vezuru, Makomo ane miti vakoma vemiti.
6 Mukoma weJecha mahwe, mukoma emvura rukowa.
7 Zvinhu izvi zvandinotaura ndezvechokwadi, unotenda zvandinotaura anoponeswa, nekuti Matenga vakatakura zvose.