Guta Ra Jehova
Lesson 64

Kugara Kwakaita Pasi

1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vamire pakati pechita chevanhu vazhinji zhinji, vanoti ndiyani anoziya kugara kwakaita pasi.

2 vakanga vawona kuwanda kwakaita vanhu vakavadzidzisa zvaibva mudenga.

3 Chokutanga vanoti ndianiko anoziya kugara kwakaita Makomo.

4 Ipapo hapana akataura, nekuti pakanga pasina anoziya zvavayitaura.

5 zvino vakati munowona Makomo asina miti, vakoma vezuru, Makomo ane miti vakoma vemiti.

6 Mukoma weJecha mahwe, mukoma emvura rukowa.

7 Zvinhu izvi zvandinotaura ndezvechokwadi, unotenda zvandinotaura anoponeswa, nekuti Matenga vakatakura zvose.