Rufurwa Denisi Akabva Jubeki
1 Uyu murume anonzi Denisi akarwara zvikuru kwazvo ari kumusha kwake akapedza gore achirwara.
2 Kuzoti ataurirwa neihwe kuti ayende kuMatenga, ari kumusha kwake kuSouth Africa.
3 Akabva ikoko akayenda kuBulawayo akataurirwazve ne ihwe kuti ayende kuUmutari ndiko kune muponesi , akaitawo saizvozvo.
4 Asvika paGuta reruponeso akawonana neMatenga.
5 Akareurura zvitadzo zvake zvose zvaayiita ari munyika pamberi peMatenga.
6 Asi nguva yake yakanga yaswedera yekuti apfuure munyika.
7 Kuzoti zuva rekuti apfuure munyika akapfuura.
8 Matenga vanoti ndawona magedhi azururwa ese, apinda mumusha muJerusarema, zve wapihwa dzvimbo huru.
9 Ndiye apihwa kiyi dzemba yangu iyeye anga achida kupihwa nzvimbo huru zvino nekuti haana kuyenda kuJorodhani nekungundu.
10 Ndiye anofamba nevakuru vakuru muGuta imomo.
11 zvino wanzi zita rake ndi Jobo rokupindanaro muGuta rangu.
12 Iye akatenda vanhu akatakura mutumbi yake kuguva.
13 zviro kwazvo vanangu ndinokudzai kuti apinda mumusha amuguta, (Pitrosi naMariya) uko ndikokuti varume nevakadzi kuwone anoteerera zvandinotaura nekuchengeta mirairo yangu, ndiye andichazoenda naye mumusha werufaro nekuti haazowone rufu kwete.
14 Matenga vanoti mwakakomborerwa mvakawona izvi muchiri vapenyu.
15 zvenyu vana vaJehova vakakokwa kuru poneso.
16 Mwari ngaakomborere moshoko aya nekusinga peri kumwe neumwe ari pano agare matiri dzimara mukufa.