Matenga Vanoenda Bulawayo
1 Matenga vakanga riri kushanda basa guru kwazvo mukati me Guta .
2 zvino chita che Bulawayo chakauya nechichemo chavo pamberi pegwayana kutizve chida vanga shanyirwo, sevvakanga zvirikuitwa dzimwe nzvimbo.
3 Chichemo chavo chakatambirwa neMatenga, zvirokwazvo pakarongiwa rwendo.
4 Rwendo uru rwakarumbidzwa rwarumbidzwa zve, nekuti rwayizikamwa pasi nemudenga.
5 Kuzoti zuva rasvika baba vakati rwendo rwarumbidzwa vanangu.
6 Pekarepo baba vakati denga rarongedza, varwi nemasoja kare.
7 vamwe vavo vagadzirira kuti vafambe rwendo urwu.
8 vanhu vakanga vaudzwa kuti vanozosimuka muGuta Nemusi weSvondo.
9 baba vakati ndinozotevera Nemusi weMuvhuro.
10 Mangwanani eSvondo iwowo rakaya mudivi .
11 Makanga muchiyimbiwa zvakange zvichityisa kwazvo, wuye makanga muyinemasimba akanga achityisa kwazvo.
12 Kuzoti vanhu wepedza kutenderera chigaro chine upenyu.
13 baba vakasimuka vakati nhasi ndiro zuva rewendo rwe Bulawayo.
14 zvino ndino kumbira baba kuti vasesedze vanhu vavo, dzimara vasvikapa dzvimbo ipapo.
15 Wuye ndinokumbira zve baba kuti mukati merwendo irworwu neikoko kuve nemapipi.
16 Murwendo umu maifanira kuti muve nepipi ravo, rinodaro gwayana riri kupa zvizviyiso zverwendo.
17 Pekarepo rakati vatumwa verwendo pamwe nevanosara vari muGuta muno pamwe nababa varimuno.
18 nevatumwa vafana vaikoko ngavauye iyezvino.
19 Kanguva ikako Matenga vakati yavanguva yenyu yekuti mubabame iye zvino.
20 Vakasimuka hana dzavo dzvizere vachitenderera divi .
21 vakanga vari vatumwa vechokwadi vakanga vakagara pamunhu umwe ne umwe.
22 vanhu veku Bulawayo va G. Gondo na Masendu ne vamwe vavo vakanga vatomira mari yekuti vanhu wakwirise ndiyo Chitima.
23 zvino mari yakanga yisina kuzo kwana kuti chita chose ichi chiyende.
24 kwakanga kuyine vamwe vanhu vakanga vaine chido chekuda kuti wano pupura chokwadi cheMatenga.
25 vanhu ivavo vakakwira nemari dzavo, vachiti mumwoyo yavo tinoda kunozvipupurira kuti ndiyeyu akatiponesa, kubva mumatambudzidzo.
26 avo takanga tashaya akanga atinunura, asi iye awuya pasi pezuva, tava varume nevakadzi wakakodzera.
27 vanhu vakakwira mubhazi ra Nkomo vachiendeswa, kuno kwira chitima.
28 Vasvika pasiteshini vakapihwa maturoko matatu.
29 pipi rava Jehova , mukati mema turoko umu makanga musingadiwi munhu anokwira imomo asiri weGuta.
30 vakanga vakachengetwa nevana mabarani vaviri I. Rusike na Makuwerere veGuta.
31 vakanga vachiyimba rwiyo rwakauya na vaJehova, Tenzi taungana mutakuri wezvose.
32 Rechimangwana acho Matenga vakawoneka vanhu vavo mudivi .
33 Vakati mese muripano, hamudikanwi kuti mubve pano dzimara ndidzoke murwendo urwu.
34 Asi Guta rakasara rachengetewa na vaJehova.
35 zvino makasiwa muvhangeri Johane ndiye akasiyiwa ari muGuta, achitarisa vakanga vachiwuya pamwe nevakanga wachirwara.
36 vakanga vachirwara ava vayirapiwa negwayana nerudawiro rwake munhu.
37 Kuzoti ngarava yeMatenga yavakusimuka muGuta.
38 ndakawona vanhu vachipembera vane zvigurangu zvavo, vamwe vayitsvaira nzira.
39 Kupembera kwavo kwakanga kuri kwekuti zviro kwazvo, Matenga vari kunoponesa hama dzedu.
40 Dzakanga dzakaremerwa sezva takanga takaita kare.
41 Muchayiri wengarava yeMatenga akanga ari muvhangeri chareka.
42 Vakasimuka mangwanani vakasvika muBulawayo manheru.
43 zuva iroro rakasimuka Matenga makaita chishamiso chikuru kwazvo mukati menyika.
44 pipi guru, kwakabva chinhu chikuru chakanga chakafana nenyeredzi.
45 Chakanga chichipenya chiine matsari vari chaifamba sendege.
46 Chakabva kumabva zuva muguta chikawonekwa nemunhu wese wenyika, kubvira kwaMutari dzimara muBulawayo.
47 Chakawonekwa nevanhu vatema nevachena hapana asakachiwona.
48 nevanhu vese vakanga vari muchitima wegwayana vakachiwona.
49 zviro kwazvo izvi zvakaratidza kuti Matenga asimuka muGuta atungamirirwa ne nyenyedzi.
50 yasvika muBulawayo yakasviko nyangarika pamusoro pemba yeMatenga yakanga yakavakiwa nechita cheguta reikoko.
51 Matenga vakasvikira kumba yaGondo uyo akanga arimungamiri.
52 Kanguva kashomanani akanoratidzwa panzvimbo yakanga yagadzirirwa Guta .
53 Akabva waratidzwa imba yavakanga vavakirwa yakanga yichityisa kwazvo.
54 Matenga vari kupinda mugarava iyoyo.
55 Kwakatinhira denga nepasi zvikatinhira dhorobha rikazunguzika.
56 vanhu vakanga vachiyimba zvaityisa, pipi rakabuda ipapo ndeiri.
57 vanhu vese vakanga wechiyimba vakati pamwepo chete kunyarara.
58 zvino kutinhira kwedenga nepasi kwakazika nemunhu wese, vanhu ava vakaita sevabatwa negetsi.
59 Kuzoti remangwana acho Matenga vakanowonana naMudziti nevakuru wedhorobha iroro.
60 Kuzoti vadzoka, vaya vakauya nechitima vakabva Vasvikawo zuva iroro.
61 zvino pakanga patova nechita chakanga chagaririra kuti chitoreurura zvivi zvavo pamberi peMatenga.
62 zvino nzvimbo iyoyo yakanga yichidanidzwa kuti idzvimbo yeropa.
63 nekuti yakanga yichisourairwa vanhu nema tsotsi eyimomo.
64 Matenga vakanga vati vanhu weGuta veikoko vakanga vagarwa nevatumwa chete.
65 Kuita kwavo kwakanga kuchishamisa kwazvo.