Kupfekedzwa Kwevarume Paguta
1 Tichiri kuGuta ravo paSeke Matenga vakange vataura ivova Jehova , kana kuti vakanga vaporofita kuti varume vanofanirwa kutenga yunifomu yezvikabudura nemajamba acho.
2 Vakazvitaura kuGuta ravo asi vanhu havana kuda kuteerera shoko rababa kwete.
3 Kuzoti baba vava kuGuta itsva maZimunya, vakataurazve kuti varume munofanirwa kuva neyunifomu, yekurwa naSatani.
4 Varume vayiri vakayenda vakatenga dzavo vakapfekedzwa nevavhangeri. Mr. Nyamandura na S. Mhundwa ndi D. Mutambanashe na J. Tawengwa.
5 baba vakava nekufara kukuru.
6 Kuzoti shoko rababa aramba achitaura kuti munofanira kutenga idzi yunifomu.
7 vanhu vazhinji vakatengawo.
8 Vaenda mumba yekupfekera vakawanda chaizvo.
9 Vayipfekedzwawo sezvatakaitwa. vanoti vobva mumba imomo vapfeka wachifora semasoja arikuenda kuhondo, vachipinda mudivi , vanenge wachimira pamberi pemutumwa.
10 Vanenge wachiforeswa na Mr. W. Nyamandura.
11 vanhu vanenge vachiyimba Jerusarema musha wangu musha wakanaka.
12 baba nedzimwe nguva vanosimuka vachitaura aya mashoko ekuti.
13 vapfeka iyi nguwo yemweya yekurwa nayo pamweya kwete panyama.
14 Kabva haidiwi kuti uchano pomba, kuba, kuroya, kupokana, kunwa, kusvuta nekuita mabasa ese asakafanira hokoyo nayo muchenjere nayo.
15 Ndeyekurwa naSatani chete.
16 Iyi yunifomu hayidi, muregere mabasa ese akayipa kubvira nhasi dzimara narinhi.
17 Kana baba vapedza kunosimuka vavhangeri vachitaurawo maererano nazvo ndi W. Nyamandura P. Mutudza, S. Mhundwa.
18 Hamufare here vanhu vaMwari, kupfekedzwa nhumbi dzekupinda nadzo mumusha asi tichiri vapenyu.
19 Idzi nhumbi ndedzekupinda nadzo mumusha weJerusarema umo munoyerera uchi nemukaka, munodyiwa hurukuru chete.
20 Kana tikateerera zvinotaurwa neMatenga nekuchengeta mirairo yavo tichapinda mumusha unoyera, uyotose takagadzirirwa.
21 Tikaramba tichishingirira iye haazotisiyi muumambo hwake hunoyera.
22 Vanenge vakateerera zvakataurwa nababa kuti pfekai yunifomu vakwana 1,550 varume huwandu hwavo nanhasi varikungo pfeka chete,
23 Vanoti raSvondo remazuva rodoka nemusi weSvondo.
24 vanhu vano vamba kufora zvipato nezvipato.
25 Varwi vaiforeswa naChakanyuka Masiyiwa wemateneneti vega, vazere vega varume vasina yunifomu vega, varwere vega, wapwere vega.
26 Vanenge vachiimba Jerusarema musha wangu.
27 vachifara zvikuru kwazvo. Zviri paGuta raJehova zvinoshamisa chaizvo.
28 Bva ndinerombo rakanaka nekuti ndakawona izvi ndichiri mupenyu.
29 Kunyora izvi sandi kururamaba vanhu vaMwari, asi itsitsidzavo Matenga ndivo vakanditungamira izvi.
30 Chishamiso ndechekuti apo vanhu vanenge vachifora baba panongeasi poBa, kuzoti ave manheru munzonzwa makwaya enyu aya otaurwa, atora nhamba wani nedzazoteerawo shuru.
31 Ngatiiseyi pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.