Kuwonekwa Kwa Satani MuGuta, Pipi Guru
1 zvino yakati yasvika nguva yekukura kweBasa raMatenga, vakabudisa pipi guru kwazvo.
2 Rakati rawona kuti vanhu vari kutenda mashura nezviratizo.
3 vanhu vakaungana vazhinji zhinji vese nevemumadhorobha akasiyana, vakawuya vakaungana muGuta, nekuti vayida kuponeswa neMatenga.
4 Ipapo Matenga vakati vawona kuwanda kwevanhu vavo, Matenga vakamira pakati pavo vakataura kuvanhu vavo kuti muri kuedzwa naSatani, zvino vanhu vakanga vasingazivi kuti Satani anoedza vanhu seyiko.
5 zvino Matenga vanoti (Pitrosi na Mariya) uko ndiko kuti varume nevakadzi.
6 Munoziva here kuti mambo wezvivi ari muno nhasi.
7 vanhu vese vakati Matenga hapana chatinoziya nekuti tiri venyama, tinoteerera zvinobva kwamuri chete imi.
8 Ipapo baba vakati vana vangu, tarirai ndichatora mumwe mukomana mukati mwenyu auye pano pamberi panyu ndipinze Satani mumwoyo mwake ataure nepeari.
9 nekuti vakakumbira kwandiri kuti awone Basa raMatenga nekuti rakura chaizvo.
10 Mukomana iyeye akagara pasi akaswatanudza makumbo nemawoko ake.
11 baba wakadayidzira nezwi guru vachiti mambo ezvivi uya upinde pane dzvimbo iyi.
12 Ipapo Satani akauya akapinda mumwoyo make, achibva ataura paari.
13 Hamutende here kuti iri pipi rababa rinotyisa zvikuru.
14 Mukomana uyu agarwa naSatani usu hwake hwakapinduka.
15 Pekarepo akamira pamberi pevanhu, akati, nyararai mose, ndino muudzai kuti ndini mambo wezvivi pachangu.
16 Ndakapihwa nyika yangu ini yandinotonga ndega ihuru kwazvo.
17 Asi nyika yangu iyoyo ndeye mwoto wega bedzi.
18 Yine vanhu vazhinji zhinji, zuru nezuru, mazana nemazana evanhu warikutsva.
19 Ndine vatumwa vanguwo vandinopa basa rekusandura vanhu vanenge wachitsva neforogo dzesimbi.
20 zvino ini ndinotya uyu uripano apa, nekuti ndiye anesimba guru.
21 Ndine vatumwa vanguwo ndivo vanoita kuti musafunga kunamata, vachimurunzirai muma basa akaipa.
22 zvino baba vakabvunza vachiti ndiudze mabasa ako ese awunovaitisa, ipapo Satani chakati ndikataura vanhu vako vanozo chenjera.
23 Ipapo vanhu vakaseka vachiti taura zvako.
24 baba vakati taurazvose izvo zvaunoita kuvanhu vangu.
25 Ipapo Satani akatya zvikuru akati pano pane vanhu vanopenya zvikuru.
26 Kana nababa handitarisani naye nekuti anopenya chaizvo.
27 Ipapo baba vakabvunza kuti vanhunyi aunotonga iwe, asi iye baba vachiziya zvavo asi vayiitira isu kuti tiziye.
28 Satani akati vanhu vandinotonga ndivo vaya wanoshaya dzvimbo muJerusarema remudenga.
29 Ndivo vaya wanoba, vanopokana, vanoroya, kupomba, kuchiwa, nekuita zvisakarurama zvose.
30 Hakumbodi kanwi nechitema chimwe zvacho, hazvimbodikanwi.
31 Kuwone vanoita zvakadaro ndivo vaya vanonoraswa vachiri pasi pano vasati wafa asi vachiri vapenyu.
32 Satani anoti ndivo vandinozokandira mugomba remoto, ndichiva pisa pisa miri yavo.
33 zvino baba vakati mazviwonera mese, vese vakapindura vachiti tazviwonera nemaziso edu tose.
34 baba vakati vanangu handisisiri munhu kwete, asi ndiri iye akabva mumusha, kuwona anotenda mashura nezviratidzo izvi zvamuri kuwona kuti, ichokwadi iri, anopona chete.
35 Kana usingatende Matenga hapana kupona kwauri, chako kuraswa muna Satani , kana kuti uri mwana waSatani chete.
36 Iri ipipi harisa rakamboitika munyika, saka zvinotyisa nevanemwoyo wangu vanhu vaMwari.
37 Chiziyayi nhasi kuti uya ndiani anoitaizvi, akabva kupiko?