Guta Ra Jehova
Lesson 9

Kusvika Kwavo MwaSeke

1 Matenga vasvika munyika yaMambo Seke, kwaSabhuku Kandawa mumusha waChihota.

2 Vasvika paChihota, navo VaChihota vanzwa kutaura kwaBaba shoko raMwari.

3 Vakabuda vakadaidza murume anonzi Madziyauswa.

4 Vaona nekutaura kwaMatenga, vose vakagutswa nazvo.

5 Pakanga paine mumwe mudzimai akanga anetseka nenhumbu yake.

6 Matenga vakati nhumbu yemudzimai uyu yakachinjika.

7 Vakati,"Chiregai kutya zvenyu, ndasvika ini."

8 "Achabereka mwana wemusikana anonzi Vaireti". Asi mudikidiki kwazvo; zvikaitikawo saizvozvo.

9 Vanhu vanzwa izvi, vakatanga kuuya padiki nepadiki; vakatanga kutadza kukwana mumba.

10 Vakatsvaga zano rekuita. Kwakafungiwa zano rekuti pavakiwe kamusasa pekuti vanhu vanamatire.

11 Vanhu vava kunamatira imomo, mweya yetsvina, madhimoni, yakatanga kubuda ichitaura ndimi nendimi dzakasiyana; yaitaura mhosva dzayo, nezvainoda kuti iripwe.

12 Kana yabva mweya iyoyo, vaisara pachibuda Masimba eMatenga, Mweya Unoyera.

13 Masimba eMatenga akabva awanda kwazvo.

14 Kuti idzinge mweya yetsvina yaibuda ipapo.