Kusvika Kwavo MwaSeke
1 Matenga vasvika munyika yaMambo Seke, kwaSabhuku Kandawa mumusha waChihota.
2 Vasvika paChihota, navo VaChihota vanzwa kutaura kwaBaba shoko raMwari.
3 Vakabuda vakadaidza murume anonzi Madziyauswa.
4 Vaona nekutaura kwaMatenga, vose vakagutswa nazvo.
5 Pakanga paine mumwe mudzimai akanga anetseka nenhumbu yake.
6 Matenga vakati nhumbu yemudzimai uyu yakachinjika.
7 Vakati,"Chiregai kutya zvenyu, ndasvika ini."
8 "Achabereka mwana wemusikana anonzi Vaireti". Asi mudikidiki kwazvo; zvikaitikawo saizvozvo.
9 Vanhu vanzwa izvi, vakatanga kuuya padiki nepadiki; vakatanga kutadza kukwana mumba.
10 Vakatsvaga zano rekuita. Kwakafungiwa zano rekuti pavakiwe kamusasa pekuti vanhu vanamatire.
11 Vanhu vava kunamatira imomo, mweya yetsvina, madhimoni, yakatanga kubuda ichitaura ndimi nendimi dzakasiyana; yaitaura mhosva dzayo, nezvainoda kuti iripwe.
12 Kana yabva mweya iyoyo, vaisara pachibuda Masimba eMatenga, Mweya Unoyera.
13 Masimba eMatenga akabva awanda kwazvo.
14 Kuti idzinge mweya yetsvina yaibuda ipapo.