Madzimambo Anoratidzwa Basa Rose Pachena
1 zuva reSvondo rasvika takafuma mukamanganani.
2 vanhu vakanga vakatungamirirwa naNoah muyimbi.
3 Motokari dzafuma kunotora madzimambo mana ivavo.
4 ndivo madzimambo akanga ayita chisimgo chekuti tinoda kuti Guta rigare ipapo, nekuti isu tanga takomborerwa kuti Mwari agare munyika yedu.
5 Tichangoti budeyi mudivi madzimambo akasvika, kanguva ikako vakadzirirwa kudya kwakanga kwaropafadzwa neMatenga.
6 Kuzoti ava masikati takapinda mudivi .
7 Pekarepo gwayana rakabuda rikano kwazisana nemadzimambo aya.
8 Kuyimbwa kwakanga kuchiitwa mudivi kwanga kwuchityisa chaizvo, pekarepo madzimambo vakauya mudivi , vakagara pazvigaro zvavo zvakanga zvagadzirwa.
9 Pekarepo gwayana rakauya mudivi , rakanga richipenya sendingiriro yaiswa pazuva.
10 Wuye rakanga riri Zuva rekuratidza vana mudivi .
11 muvhangeri akasimuka akavura tsamba rekuna zvakazarurwa rakanyora na Johane, rinoti Dengaidza ne nyikaidza.
12 vana vakaiswa mudivi , kuti vabhapatidzwe neMatenga.
13 Matenga vakasimuka vakati, ndirori basa rengirozi dziri pamberi idzi, idzo ndakaurira munyika.
14 ndivo aya vana vemhanje dzemakore vakagara munyika dzisina vana, ndirobasa ravapamberi iri.
15 Matenga vakati ndizvo zvacho zvandakaurira munyika.
16 Apo ndakadzimwa munyika ndakandosakanga nezvinyorwa zviriko.
17 zvikanzi enda unotaurira Africa yose, kuti kuroya, kupomba, kuba, hun'anga, kureva nhema, kuuraya nezvizhinji zvose zvakayipa hazvidiwi kuno.
18 Wakauya wako daro ndinopedza kurasa wose.
19 Rapedza kutsanangudza gwanyana rakabhabhatidza vana varo avo rakasika roga mbune.
20 zvino mazita evana ne eVabereki vacho vakasheedzerwa nekwavanobva, nezvikonzero zvakasaka kuti vabereki vashaye vana mukati menyika.
21 vanhu ava vayisimuka wachizvipupurira vega pamberi pemadzimambo.
22 Mumwe wevana aya akasimuka achiti ini ndakagara munyika kwemakore makumi mayiri ne manomwe.
23 Handina kumboita mwana, zvino ndauya pano pamazvose, ndakatsvairwa neruwoko chete ndikawana nhumbu yangu yakagara makore mashanu ndiyinayo, heuno mwana wandaanaye.
24 Chikonzero chakasaka mai ava vashaye mwana munyika vakanga vaine dhimoni reuroyi.
25 Vamwe vaiva nemadhimoni, ayiti engozi, ekupomba, nemamwe mazhinji, akatsaukana.
26 Pakaberekwa mwana mangwani acho akaratidzwa zuvaro.
27 zvino vakaratidzwa zve zvirema, mapofu, vane nhumbu dzemakore, mhetemakumbo, nevazhinji vane hosha dzakatsaukana vakanga vachizvitaurira vega pamberi pemadzimambo.
28 Wuye vakashamiswa kwazvo nemwana vakaratidzwa vakaberekwa zuvaro, vachisimudzwa mudenga, vakatya nekudedera kwazvo.
29 vakati vanhu vazotinyepera kuti hakuna zviriko, nhasi tagutswa isu toga.