Guta Ra Jehova
Lesson 156

Hucha Pupu HwaNowa Pamusoro Pe Basa RaMatenga

1 Hama dzangu ini pamusoro peBasa raMatenga handina chekutaura ndingatoti chete, takakomborerwa isu tose takanoyiwa neruwoko rwune simba kubva mudzvimbo dzakatsaukana.

2 Mutyika techiwuya pano, nekuti kuwuya pano haisiri nyoreba, zvinooda vane mazita akanyorwa parugwaro rwekupona.

3 zvirokwazvo iropa rakanaka rekuti maziso edu enyama awonane nehuso hwe Matenga vachifamba netsoka dzavo panyika.

4 Wuye tichiwona mashura nezviratidzo zvavanoita nemawoko avo nemaziso edu.

5 Saka hama dzangu ini pamusoro pekudiwa kwakadai tichenjere kurasikiswa nehupenyu, hwatanga tapiwa pachena.

6 Tiziye kuti tine avo vatava kudana navo sehama nekuda kweMatenga pakutenda.

7 Vaporofita vose, kubvira kuna Isaya, kusvikira kuna maraki, nekuva dzidzisi vose, kuti vakanga vari panyika, asi maziso avo havana kumbowona zvinhu zvakadai vachiri munyika.

8 Saka ini ndinoti ishe vakadzadzisa chirevo chemuyimbi wavo vanoti Ishe vakaburuka mudenga vakazova munhu kuvanhu.

9 Hama dzangu muAfrica, tose ngatichenjerei kupfuurwa nenguva iyi yatakapihwa pachena.

10 Tikazofanana nezvirema zvevarume nevadzimai veMazuva a Nowa vakaziratidza sevachenjeri nyambirwa zvaiva zvirema.

11 Akati neMazuva aya akanga afunga baba kuda kuparadza nyika nokuda kwe zvivi zvakanga zvanyanya.

12 zvino netsitsi dzababa, havana kuda kuyiparadza vasina kuyinyera saka vakaitazano rekutuma muranda wavo Nowa.

13 Kuti enda unotaurira vanhu ava kuti vakai ngarava nokuti ndirikuda kuparadza nyika iyi nemvura.

14 Nowa haana kudonha achibva kudenga, akatsarwa mukati mevanhu, semunhu kuvanhu.

15 Vazhinji vakamuseka vamwe vakamutuka, kana zvakange zvakadaro mukati mevanhu.

16 Asi vose vaiseka vaye, nekuda kwemashoko anobuda shora vaye mubayiro wavo takazoudzwa, kunzi vose vakaperera mumurove.

17 Kukazo uyazve maizurairi naMosesi, na mambo Faro, Faro raiperima, asingazive kuti kune mumwezve kunze kwake, aifunga kuti iye ndiye Mwari .

18 Asi takazonzwa mubairo wekusaiziva kwake kuti iye nehondo dzake vakaperera munyanza nemvura.

19 Zvakadaro vo neMazuva akuwuya kwemwanakomana waMwari Ishe Jesu munyika.

20 Makanga makazarawo nezvirema zvayi zviti tirivachenjeri, kwayiti vafarasi, kukati vasadusi, kozouya vafundisi nevaprisita, ndivo vaka zomoroverai pamuchinjikwa.

21 Zvakadarovo isu maAfrica ngatichenjereIwo mukati mekuchenjera kwedu.

22 Tiwonekuti hakuvenganiwo here naMwari?

23 Komwoyo yedu yirikuziya here kuti Mwari wakazotidawo netsitsi dzake.

24 Asi ini hama dzangu mwoyo wangu une huchapupu, kuti vaJehova chaivo vakaita kuda kwawo mukati meganda dema, handidaro kuti ndifandze vanhu kwete.

25 Ndino daro nepamusana pebasa randakawona nemaziso angu ano.

26 Zvandichiziva hangu kuti kune vazhinji vachagumburwa nekuda kwezita iri rekuti Matenga .

27 Isu takaponeswa, tikanunurwa muzvizhinji tisu tinoti ndiMwari wedu.

28 Nokuti ini ndakagara munyika makore akawanda, ndikasika nedzimwe nyika, kana nevamwe vakuru varipano havadzizive.

29 Ndika wona dzin'anga dzemarudzi nemarudzi ne masangano akatsaukana avanamati.

30 Asi handina kumbowona simba, nezviratidzo zvakadaro.

31 Ini ndakawona ne maziso angu ano, Mapofu achisvinura, ndikawona mbewewe dzichitaudzwa, navamatsi vachinzwa, nezvirema zvichifambiswa, nevane mapere vachinatswa.

32 Nevetswiyo, nemapenzi achipfaiswa, nevematenda ekubvinza ropa, wuye nekuuchikwa kwemhanje dzemakore.

33 Mhanje idzi dzaipihwa vana pachena pasina mutengo, wuye nekupfaviswa kwangu ini kubva muhugandanga ne hugororo.

34 Hwendakaba nevanhu nevanhu, ndisingatere, ndiri tsotsi wematsotsi.

35 masimba avaJehova anondityisa ini handina vasingandizive mumadhorobha akatsaukana pamusoro pekuipa kwangu.

36 Asi nhasi nesimba ra vaJehova, ndakabiswa muma basa ayi takuti ndigare mutirongo.

37 zvino ini ndinoti iyeyu ndiMwari wangu akandibisa mumatambudziko andakanga ndinawo munyika nekusingaperi. Amen.