Guta Ra Jehova
Lesson 66

Matenga Vanomisa Mvura Pipi

1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vakamisa mvura yakanga yichida kunaya.

2 Nenguva idzodzo ndakanga ndiri muGuta.

3 ndakawona denga razara nemvura zhinji zhinji yichitinhira zvikuru kwazvo.

4 vese vanhu vakava nekutya vachiti nhasi tinopera, nhasi tatoparadzwa nemvura zhinji panguva idzodzo.

5 Denga raitinhira zvinotyisa.

6 Matenga vakayenda pamusoro pegomo.

7 Vakagwadama vachikumbira kuti mvura ipfuudzwe, vakadaidzira nezwi guru kwazvo, ipapo Matenga vakabuda dikita kana kuti ziya zhinji kwazvo.

8 Vakatora chari yavo vakayisimudza vachiveya veya chari yavo mvura yose yikaparara, hamutendize here vanhu vaMwari.