Lesson
66
Matenga Vanomisa Mvura Pipi
1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vakamisa mvura yakanga yichida kunaya.
2 Nenguva idzodzo ndakanga ndiri muGuta.
3 ndakawona denga razara nemvura zhinji zhinji yichitinhira zvikuru kwazvo.
4 vese vanhu vakava nekutya vachiti nhasi tinopera, nhasi tatoparadzwa nemvura zhinji panguva idzodzo.
5 Denga raitinhira zvinotyisa.
6 Matenga vakayenda pamusoro pegomo.
7 Vakagwadama vachikumbira kuti mvura ipfuudzwe, vakadaidzira nezwi guru kwazvo, ipapo Matenga vakabuda dikita kana kuti ziya zhinji kwazvo.
8 Vakatora chari yavo vakayisimudza vachiveya veya chari yavo mvura yose yikaparara, hamutendize here vanhu vaMwari.