Guta Ra Jehova
Lesson 165

Easter Yokupedzisira NeMatenga

1 Easter iyi yakava Easter yakakosha kukunda Easter dzose.

2 Yakanga yiri Easter yokupedzisira kuva neMatenga pasi pano panyama.

3 Vakanga vechitirapa, vachitipa zvizviyiso, vachitipfekedza Jeneti masoja, Mhiriyemu, ne Jerusarema .

4 Tichitenderera navo, sezvo vakanga vari mufudzi vakanga vari mukati mehwai dzavo.

5 Nyika yose yakakokwa zvakanga zvichityisa chaizvo.

6 Mazana nemazana zviwuru nezviwuru zvevanhu vakuru nevadiki vakatinhira kuuya muGuta,

7 Nyika yakatinhira zvakatyisa, vaiwuya nezvitima, zvikazara, mabhazi, Marhori, nedzimwe motokari diki dzika zarawo.

8 Zvikashaya ne zororo nekututa vanhu kuunza muGuta rava Jehova .

9 Nguva idzodzi dzaityisa chaizvo vanhu vashe kana wadzirangarira.

10 Guta rakatangisa kuzara nevanhu, dzimba dzose dzikazarawo, nekugedhi kukazarawo, zvikava nekutyisa.

11 Vamwe vakaendeswa kuna Gambinga akazarawo.

12 zvino vamwe vakagara panze vachibikira ipapo, vachirarawo ipapo.

13 Tayiti tapinda mudivi divi rose raizara rikawane kufashukira vanhu vaMwari.

14 baba vayiti vorapa, raini yekurapa yayitangisa petyo ne kugedhi yichisvika petyo nepakaguma Guta .

15 Paiva nemutinhimira wakanga wuchityisa chaizvo.

16 Yakati nguva yekupfekedzwa kwevanhu yakwana, pakapfeka mazana nemazana evanhu vakanga vakagarira.

17 nekuti vakanga vachiziva kuti mbatya iyi yine upenyu panyama ne pamweya, Wuye yinonunudza zvizhinji paupenyu hwako.

18 Asi kunze kweavo vakanga vaine mwoyo mikukutu vakasara vakadaro panguva idzodzo.

19 Kuzoti vanhu vapfeka iyi yunifomu vakuru nevadiki vakawanda zvakanga zvichityisa chaizvo.

20 Kuzoti vanhu vapfeka baba Vakasimuka vakati mapfeka iyi yunifomu, hayidikanwi kuti udarike uyinayo.

21 Kunoti, kupomba, kuroya, kuba, kuyenda kudzi panga, kunwa ne kuputa fodya ne Zvimwewo zvese zvakadaro.

22 Matenga vakati vanangu yunifomu iyi mapfeka ndangoturika kana pamuroyi kana pamhombwe zvanzi pfekedza bedzi.

23 zvino vakati Vasara vakadaro Pitrosi na Mariya ndiyani achazokupfekedza zvauri kuramba kupfeka.

24 Wona Vasara vakadaro vashinga kusara vakadaro pane izvi mwanangu.

25 zvino tose hatina kuziwa kuti zvakarevenyi nekuti hapana akanobvunza kuti baba shoko irovo rinoreveyi.

26 Bedzi kune vanofunga, zvichida vayirehwa kuti vachazopfeka vanonopfeka ivo vasisipo panyama.

27 Sezvo rakanga riri zuva ravo rokugumisidza kupfekedza vana vavo ivo vachiripo panyama.

28 zvino munhu ngaazvifungire aziye chaakafambira muGuta ravo Matenga , musha usinga sarudzi munhu kwete.

29 Matenga ngakomborere mashoko avo nekusingaperi Amen.