Guta Ra Jehova
Lesson 146

Musangano Wekuroverwa Kwamambo Jesu MuGuta Pa Easter

1 Musangano wekuroverwa kwambambo Jesu paEaster wakatyisa kwazvo.

2 Makanga makaungana zviru nezviwuru, mazana nemazana evanhu muGuta.

3 Mangwanani tafumamuka takatenderera neGuta rose tikapinda mudivi .

4 zvino shoko rekushambadzwa kwemwanakomana rakange richiparidzwa zvaityisa kwazvo.

5 Matenga vakauya mudivi vakapfeka nguwo tsvuku dzakange dzichityisa kwazvo dzeropa.

6 zvino vasimuka vakati nhasi vatumwe vedenga Vauya kuzochema Jesu.

7 Pekaropo Matenga vakati Jobo auya nevatumwa vazhinji.

8 Ipapo Ndakanzwa chawonga nemutinhimira wevatumwa vakanga vachiti mamurovereyiko?

9 Ingawani akaponesa vanhu vazhinji, mheta makumbo, varoyi, vayipomba, Zvirema, mbewewe, zve wayimutsa vakanga vafa.

10 Ingawani akanga ayine tsitsi, rinodaro shoko regwayana.

11 Zvakadaro hama dzangu isu takaitirwa zvizhinji neMatenga.

12 Takaponeswa mukupomba, mukuba, mukuroya, mukuuraya, nemamwe mabasa makuru atakaitirwa neMatenga.

13 Zvino tisu tinorovera Matenga pamuchinjikwa.

14 Saka muchiwona vasina zoro mukati meAfrica.

15 Yanga yavanguva yako mukorore weAfrica yekuisa mwoyo wako pakadzama iye zvino.

16 nguva dzino tyisa dzakadai dzayifanirwa kuwonekwa nevane zvigaro zvikuru mukati menyika.

17 Asi isu takaropafadzwa kusangana neizvi tichiri vapenyu. Amen.