Guta Ra Jehova
Lesson 52

Kutenda Kwe Vanhu

1 Kunoti nerimwe Svondo rinenge riri Svondo rekutenda rinenge riri Svondo remasikati.

2 vanhu vanenge wanyoresa kunamabarani, kuti vanoda kutenda zvavakaitirwa neMatenga muupenyu hwavo.

3 Ava vanhu vanotenda zvakatsaukana.

4 vamwe vanotenda nhumbu, vakagara makore vasinakumbonzwa kutamba kwemwana mumhumbu dzavo.

5 vamwe upfumi, mhosva, vamwe vanotenda zviyo zvemumunda zvokurima, nemadenda akatsaukana.

6 vachitenda Matenga nezvavakaitirwa muupenyu hwavo nemutumwa waMwari.

7 Asi mufunge kuti munhu nemunhu akarasa pfuma zhinji achienda mudzin'anga, asi vakashaya chibatsiro.

8 Asvika peMatenga akareurura zvakakwana zvose akazvirasa zvose, akarasa zvose paGuta, asina, ndayiwona vanhu vayiri murume nemukadzi wachidzoka vavatatu nemwana wechitatu, vakauya vasingawoni vakayenda vavakuwona, vakauya vasinga fambi vakenda vofamba, neva zhinji vakabatsirwa zvikuru.

9 Saka kana wateerera mirairo yeMatenga, tose tichapihwa icho chatinoda kuMatenga, hapana anozoshaya kwete.

10 Kushingirira hakunyadzise, kuisa mwoyo pamwe chete, tinochiwana chete, titondere kuchengeta mirairo yavo chete tinogashidzwa vanhu vaMwari, chese chatinokumbira muzita reMatenga.