Kutorwa KweMatenga Usiku MuGuta
1 Kutorwa kweMatenga muGuta kwakanetsa mwoyo yevanhu vazhinji zhinji chaizvo.
2 Sezvo pakanga paine shoko riye rekuti Matenga havasaimbozosimuka muGuta vasina kumbowoneka Guta ravo.
3 zvino Paivawo nevamwe varume nevakadzi vakaranga kuti tinofanirwa kutora Matenga tiyende navo kuimwe nzvimbo.
4 Vakati varangana varume ava vaiva Chagaresango, Chiweshe, baba Vanhamo ne vamweni vavo.
5 Vakanga vakawandachaizo, wuye varume ava vakasunga chisungo chavo chakakomba chaizvo, Asi Guta rose harina kuziya.
6 Kana namambo Zimumya haana kuziya kwete kuti chinyi chichaitika pazuva iroro.
7 Saka pakasvika rokutanga ndipo pachatsika reshure vaidaro matenge.
8 vakati Vauya varume ava kutora Matenga vauya varume ava kutora Matenga vachibva Sinoya vamwe Highfields, Harare, vamwe vawo vakanga varimuguta.
9 zuva rasvika vakauya neusiku nedzimotokari dzavo.
10 Asi vanhu vese vakanga varere muGuta vazhinji vavo hapana vaiziva kuti Matenga vachaenda.
11 vakaenda kungarava yeMatenga vakataura naMutumwa Gomo vakatora Matenga .
12 Dzakanga dzavanguva dze 1 o'clock pakati peusiku musiwe chitatu 9th November 1960.
13 Vabisa baba mungarava yavo vakavaendesa mumotokari iyo vakanga vabva nayo.
14 Vakavatora vakavaendesa kuHighfields vakapfuura vakavayendesa kuSinoya kwazvimba paimwe purazi panonzi paChashamba.
15 Asi Guta rose harina kuziva kuti Matenga vaendanhasi usiku.
16 Wakatozoti ava mangwana acho shoko rafamba famba muGuta kuti Matenga vakatorwa nezuro usiku.
17 zvino vamwe vanhu vaenza kufamba famba vachiteera Matenga vakasvika ne kuHarare, Highfields, ne Sipolido vaiva ne Jipi yeMatenga iya.
18 Kuzoti vadzokazve shoko rikati vakayenda kuSinoya.
19 Vasekuru Nyamandura namukoma Beta, Nowa nevamwe vakatambudzika vechitsvaka.
20 Kuzoti vanzwa kuti Matenga vari apa, asi Jipi yavo hayina kubvumirwa kusvika ipapo.
21 Asi Ivo vakatozobvumirwa kusvika ipapo vakawona Matenga .
22 Asi vamwe vakazotandwa ipapo, Sezvo varidzi vedzvimbo vakati havafanirwi kugara ipapo.
23 baba ngaaropefadzeaya mashoko avo nekusingaperi. Amen.