Guta Ra Jehova
Lesson 44

Vanotanga KuSvika PaGuta

1 Kubvira kuGuta ravo dzimara paGuta itsva reMazimunya.

2 Kunoti munhu asvika pagedhi reGuta anotura mitoro yake pasi.

3 Anowona varume vayiri vagerepo nemapurisa avo.

4 Anovaudza chaanonge achida muGuta imomo.

5 Kana arikubvunza chete asinga reurure.

6 Zvaanonga ataura zvinotakurwa nemapurisa eGuta, kuti zviyendeswe kuvabati veGuta.

7 Anozoitirwa zvaanoda sekutaura kwake, odzokazvake chete.

8 Kana ari wekureurura anowona mabarani vaviri mukuru nemuduku.

9 Vachitaura zvaakatadzira Mwari munyika achiri mupenyu.

10 Kubvira paupwere hwake dzimara paukuru hwake, zvaanenge akatadzira Mwari vake.

11 Asi mutemo unoti kana wareurura usazodzoka zvemumabasa, aakange achiita.

12 Pamwe unozodzokererwa nekurwara zvikuru kuhosha yako iyoyo yawakanga wachirwara.

13 nekuti unenge vadzokererazve muzvivi zvako zisingadikanwi paGuta raJehova.

14 Kana ukafa wakatadza zvekechipiri usati wawona Matenga , mugumo vako kufa, saka ndivo vaya vanozomuka ava madhimoni chete.

15 nekuti ndivo vanesimba rekuregerera zvivi zvevanhu.

16 nekuti ndivo vanesimba rekuti varegererei havana chavanoziya, kabva baba netsitsi dzavo woregererwa.

17 Pane vanopokana pane izvi, kuti imi hamusiri mandiri neni hamusiri mamuri.

18 Saka vese vakaropafadzwa vanotenda pipi randinoburitsa.

19 Saka ndivo vachayenda mumusha munodyiwa uchi nemukaka nehurukuru chete.

20 Ngatireururei, pachokwadi tipone tese vanhu vaMwari.

21 Shure kwekupedza kureurura zvivi zvavo zvose.

22 Kuzoti raaramangwana vanouya mudivi , vanenge ari mangwanani Matenga varimo, munonge muchiimbiwa rwiyo 100 Ishe taungana.

23 Vanonge vakaita raini vachipinda mudivi imomo, muchiimbwa huru kuru chete.

24 Matenga vovabata misoro yavo vese, vano nembwa mucherochedzo pahuma dzavo vese, vachiti munhu wenyu uyu vaJehova panyama nepamweya.

25 Kanawogara muupenyu hwako nguva ipi neipi, usadarikira mirairo yeMatenga.

26 Kunodikanwa rufaro nehurukuru chete, kunodikanwa zverufaro muGuta, kana ukaenda zvako kumusha, ida hamayako iwe sekuzvida kwauno zviita iwe.

27 Ndiko kuchengeta mirairo yeMatenga, vachitya Mwari nemirairo yavo yese.

28 zvino kana Vapedza wopihwa imba muGuta nevabati weGuta.

29 Saka nemudenga hamupinde chakaipa kana nechidiki zvacho.

30 Uyo anotadza mukati meGutanga igororo nemupati anozoraswa kunze kweGuta.

31 Kunozova kuchema nekugeda geda kwemazino.

32 nekuti hakucina achamutungamirira nzira yohupenyu.

33 Saka vazhinji wakada kupona panyama chete, vasingadi kupona pamweya, sevamwe vari kushingaira siku nesikati.

34 Kune wakadarika mirairo yeMatenga, kufanana naJuda akadarika murario yaJesu, Tarisa Ruka 22. 3-6.

35 nekuti akanga afambira chakaipa.

36 Akadudzirwa chakaipa kuti mumwe wenyu anoda kundishambadza, akagumbuka ndizvo.

37 Saka nanhasi kune vamwe vanoti vadudzirwa zvivi zvavo neMatenga vogumbuka.

38 ndivo vaya vanoda kunamata nekwenyama kwete kwemweya.

39 Nenzira yekuda kudarikira mirairo yevakatumiwa chete.

40 Munda hauzokupi zviyo kana usina kubuda dikita.

41 Zvakadaro naMwari hanga kupikana vachiedza zita rake, usina chokwadi mukati mwemwoyo wako.

42 Uka shamwaridzana nechakaipa, unofa mwechiri.

43 Izvondizo zvakaita Juda haana kuzotambirwa mudenga.

44 Nesuwo hapana anga pinda mudenga, kana tichine pfuma yezvivi.