Matenga Vanofamba Rwendo
1 zvino ka kwati kwapera mazuva matanhatu evhiki.
2 Matenga vakatora rwendo urwo vakanga vakumbirwa.
3 vakayenda nevanhu vavo vazhinji zhinji kudzvimbo yinonzi yekuNyanyadzi.
4 Pakufamba kwavo vayiimba rwiyo rwekuti, Tenzi taunguna"dzinde".
5 pipi rakaitika nguva idzodzo ndere kuti, vanhu vasati vaunganapo.
6 vanhu veikoko vakanzwa kuyimba nemutimhimira vakurumba kuenda ikoko.
7 Vakasvika vowona pasina munhu neumwe zvake.
8 Asi vanhu ivavo vakadzoka zvavo.
9 Kuzoti Matenga varikutsanangura vakati vatumwa vakanga vafana kuendako ikoko.
10 zvino vakati ava mangwanani vanhu vazhinji vakaungana vanzwa nemutinhimira wehuru kuru, ishe taungana mumba yenyu idzo dzayitemiwa naJohn wakanzi ndi Nowa ne mweya.
11 Neavo vakanga vachida kuwona Matenga .
12 vakanga vachidazve kuwona mashura nezviratidzo zvaiyitwa neMatenga.
13 vese avo vakafamba neMatenga vakavamba kuparidza zvinotyisa kwazvo, izvo, zvakatyisa nevanhu vakanga varipo.
14 Ipapo vanhu vakavamba kubvunzana pachavo vachiti masimba ekuparidza zvakadai vakazviwana kupiko?
15 zvino Matenga vakaziya zvavainga vachifunga mimwoyo yavo. vakauya kubva mumba, vakamira pakati pechita chikuru chakawanda zvikuru.
16 vakati vanhu mwanzwa kuparidza kwevamwe venyu, vakasangana neruponeso vakafemerwa mweya mutsvene .
17 zvino ndino mudzidzisai kuti ndiri wakauya kubva kudenga kuzoponesa Africa.
18 Unotenda zvandinoreva, neunobvuma zvakaipa zvakezvose pamberi pababa anoponeswa.
19 Handina kuuya kuzoparadza nyika kana kutonga ayiwa.
20 Ndakauira kuzoponesa.
21 Ipapo vanhu vazhinji vakareurura zvitadzo zvavo zvose vakaponeswa, vamwe vakabviswa mweya yakayipa ipapo.
22 Vese vakadavira zvirokwazvo kuti uyu muponesi wechokwadi.
23 zuva iri rakava nekundityisa kwazvo.