Guta Ra Jehova
Lesson 10

Kuwanda Kwe Vanhu

1 Vanhu vazhinji vakanzwawo nemukurumbira kuti kwaSeke kune muponesi .

2 Anoberekesa mhanje dzemakore, dzakange dzisina vana kwete, nevanorwara vanoponeswawo.

3 vanhu vakavamba kuwanda... vakavaka dzimba, dzakatsaukana nenzira yokukura kweBasa raMatenga.

4 ava vanhu vakanga vawona chokwadi chavakatumiwa, nekuti mapofu akawona, zvirema zakasimudzwa mbewewe dzikataura, nezvimwe zvirwere zvakatsaukana zvikaponeswawo neMatenga.

5 Shure kweizvozvi kukauya kuuchikwa kwevanhu.

6 Nyika yose yikazvizwa izvi, chokwadi cheMatenga.

7 Sekuponeswa yavakanga vakuitirwa neMatenga. Vanhu vakaungana kwazvo.

8 Varungu vanzwawo izvi vakauyawo, makaradi, nemahindiya nekuti vakanga vanzwa ruponeso , vakanoponeswawo.

9 Vakatenda basa raMwari. Nekuti vakanga vanzwa mukuru mbira wenyika yose.

10 Ndudzi nendudzi dzvakauya kuruponeso, nekuti vakanga vanzwa chokwadi cheMatenga.

11 Ngosi yeGoromonzi naSeke vakagara chigaro chawo, nekushamiswa nebasa rakanga ririkuitwa neMatenga, vakauya kuzoriwonawo.

12 Vakatenderana neBasa raMatenga.

13 Nerimwe zuva Ngosi yeGoromonzi yakauya kuzobvunza kuti unobva riniko pano?

14 Matenga vakati ndinozobva pano kana akandituma azoti chibva pano.

15 Ndipo pakanzi neNgosi chiita zvako basa rako rakanaka kwazvo.

16 nekuti hapana chatawona chakayipa kunewe, zvese tawona zvineupenyu chaizvo.

17 Amai Ema Nyamushanya vakatetwera vanzwawo izvi, zvikavashamisa chaizvo, nehandzvadzi yavo.

18 Vaapo vakati tauya kuzokutora.

19 Matenga vakati handichaendi nemi nekuti ndaakuita basa rangu.

20 Zve handingachasiyi vanhu vakawanda vakadai vatovaka dzimba, vese ava vakauya kuzoponeswa.

21 nekuti ava vakanga vachifunga kuti vanozorwarazve sezvavakanga wachizoitakare pakutangisa kwazvo.