Kubhabhatidzwa Kwevana VeMatenga MuHarare MuHighfields
1 Pasvondo yemasikati pakauya zvuwuru nezvuwuru zvevanhu vakanga Vauya kuzoona Basa raMatenga.
2 zvino vanhu ava vakawona Kubhabhatidzwa Kwevana ivavo.
3 Kuzoti Matenga vawuya vakanga Vakapfeka zvichena zvakanga zakachena sechando.
4 Vasati varatidzwa vana ivavo, Matenga vakasimuka vakati.
5 NdiroBasa randakatimirwa munyika iri riri pamberi panyu.
6 ndivo vana vemhanje dzayitambura munyika, asi nhasi vana wemweya vasina mutengo.
7 Bva vana ava vachaenda mukati menyika, wachaBatiwa nemawoko akaBata zvizhinji munyika.
8 Wuye vachanosangana nematambudziko, zvose, Izvozvo ngazviropefadzwa neMatenga, nemukaka wevachanovamwa.
9 Pekarepo Matenga vakatangisa kubhabhatidza vana ivavo.
10 vana ava vakanga vari makumi mayiri vane vana vasere.
11 Zvisakambo itika munyika kuti vana vakawanda zvakadaro vanoratidzwa zuva rimwe.
12 vana ava vaisheedzerwa kwakabva Vabereki wacho nemari yavakapambadza munyika.
13 Asi vaka kwira vachidzika nenyika kwemakore akati mukuti asi vakakundikana.
14 Asi vanzwa kuti kune iyeyu akauya mapa zvose, pasina mutengo, ndiwayo vaane mazamo avakwa mwiswa pachena.
15 Mukati mwevana vakaratidzwa ava, maiva ne mwana wemhanje yakagara gumi remakore nemakore manomwe asina mwana.
16 Mukadzi iyeye akanga atoBiswa nechiBereko asisina.
17 Asi asvika pagwayana akareurura Bedzi, ndokusirwa chimwe chiBereko neMatenga akava nemwana.
18 Mukadzi iyeye akagezera makore matatu rechina ndokuita mwana.
19 Akanzi zita rake ndi Ada weku Nyasaland akanzi ane ngundu .
20 Zvinhu izvozvi hazvina kumboitika munyika ipi neipi zvayo kuti mwana anogara zvakadaro achizozvarwazve.
21 izvi zvinoratidzai pachena kuti uyu ndiMwari wechokwadi, wuye vana vemweya vanobva mudenga.
22 Dai zvainga zvenyika vaifa vese mai nemwana.
23 Ini ndinodaro nekuti zvinhu izvi sandi zekutaurirwa, asi munhu umwe ne umwe akazviwonera pachake.
24 Hama neshamwari ngatisenyi mwoyo yedu pakadzama nguva yichiripo.
25 Kuzoti Vapedza kufaidzirwa ndakawona varume nevakadzi vakanga vaane miviri mitsva vachisimuka.
26 Pekarepo Vakasimuka pamberi pemusiki wavo vachiimba vachiti, tine chipo chakakombo icho takapihwa na va Jehova .
27 Ndichochi chiri kuita maBasa makuru akadai asakamboitwa zve munyika.
28 Muhurandu hwe vanhu ava vamwe vavo vayikwira nemimiti kuti vanatse kuwona Basa raMatenga. Amen.