Kupfekedzwa Kwehowa Dzoruponeso MuGuta Ra Va Jehova
1 Haliluya, Haliluya Matenga ngavarumbidzwe mupasi rose Amen.
2 Kupfekedzwa kwehova dzoruponeso kana ukakurangarira kunotoda kuisa pfungwa pakadzama, wuye dzinotoda vanofunga vanhu vashe.
3 zvino mukati mekupfekedzwa kwehova dzoruponeso pakatanga kupfekedzwa James na Oliva, Matenga vasati vayenda kwaHonde.
4 Radzoka musangano weHova dzoruponeso vakarumbidzwa muGuta.
5 Rinodaro shoko reMatenga vanopfeka ndivovo vakapfeka mikwakwa, neavo Vakapfeka ruwadzano rwa Jeneti , vane mabhache matsvuku.
6 zvirokwazvo ndakawona ivavo vayiziwa kuti chataurwa neMatenga chineupenyu vachinhanyidzana kunotenga maJamba machena.
7 Ndivavo vanerombo rekupona panyama ne pamweya.
8 Hova idzodzi dzakayereswa pasi nomudenga rinodaro shoko dziri kuyerera iyezvino.
9 Kupinda kwehowa dzoruponeso muNgarava yeMatenga dzikaiswa mushonga dzikarara dzirimo.
10 Kwayiimbwa chiyimbo chadzo nengoma, nyere, nemadoropito.
11 Rinodaro shoko regwayana kana pasina asina kupinza nemusuwo uyu hapana anopfeka.
12 Hapana mumwe musuwo unopinzwa navo mbatya idzodzi kunze kweiwoyu.
13 Kuzoti nemusi weSvondo dzakapfekiwa divi rose rikachena zvakatyisa.
14 Vatumwa ivavo vane mapumhu marefu vese.
15 Rinodaro shoko mapfeka hova idzi dzinoda kusandira, wuye hova idzi hadzisiri dzokutambira munyama kwete hadzidi.
16 Sandi dzokuti nditambe kuti ndiwonekwe nanhingi kwete.
17 Munhu nemunhu anofanira kuvanehana inotya pane izvi.
18 Hadzidi kuwuya wopfeka iwe vabva kupomba, koroya, kushusha mumba, kugodorana, kunwa, kuputa, makuhwa, ruchiva, shungu, kupokana, wuyehadzidi manyemwe nekuzvikudza.
19 Kwete kuti ndikatadza ndinonga ndechiwoneka nani, zuva rimwe bedzi uchasangana nemhamo huru.
20 Mumashure mema shoko ivavo makaratidzwa vana vazhinji mukati me hova.
21 Hova dzoruponeso dzakati dzatangiswa kuyimbwa vatumwe vehowa Vakatangisa kutamba vachifarira musangano wavo.
22 Vanodaro Matenga vanangu manga mapindurwa maitwa ngirosi muchiri munyika.
23 Mashoko ayifanirwa kurangarira kana tava mukati mehowa dzoruponeso, kuti takapfekedzwa zvipfeko zve ngirosi.
24 Wuye mashoko akatyisa ani naani vakanga aripo zuvaro kune vanofunga.
25 Vanhu vashe taifanirwa kurangarira, wuye taifanira kuisa pfungwa pakadzama.
26 Kuti Chinhu chinokosha kwazvo kuti isuwo tifananidzwe nengirosi dzemudenga.
27 Pamusana pemweya iya inoti dzingaidza tanga tapiwa ndaramo yeupenyu husinga gumi.
28 HALILUYA Matenga NGAARU MBIDZWE Amen, KUWUYA KWEWAFEMBERI Munyika kwakatyisa chaizvo.
29 Ndivavo vanouya vari mukati mehova dzoruponeso.
30 Akange ari mangwanani eSvondo baba vakati wafemberi wauya.
31 zvino vafemberi ava vakarongiwa vana, vana vakanga ari makurukota acho.
32 Rinodaro shoko ndizvo zvavanoita mudenga kana vaine musangano nezvemunyika kuti gwayana ranetswa nevanhu munyika.
33 Pekarepo gwayana rakatangisa kuyimba hova dzeruponeso.
34 zviro kwazvo raisheedzera vatumwa evafemberi pamunhu umwe neumwe vakanga vagarwa nevatumwa ivavo.
35 zviro kwazvo ndakawona vatumwa ivavo vachisimuka vachizara divi rose.
36 zuva iroro Guta rakanga rashandurwa kune vanofunguzvavo.
37 baba ngariropefadze aya mashoko ehova dzoruponeso nekusingaperi. Amen.