Guta Ra Jehova
Lesson 56

Pipi Guru, Rwizi Runonzi Deura

1 Urwu rwizi runonzi Deura rwizi rwakanga rVapedza vanhu vazhinji kuyeredza gore negore nevarungu vakato veredzwawo narwo rwizi irworwo.

2 Kunoti Matenga apfuura nepo vachiwona mweya yese yakayipa yayiita basa rekuweredza vanhu yiripo yichiyita basa rwayo semakore ose.

3 Matenga vakayenda kunoyibisa iyoyo mweya iyo yakayipa yenjuzu, vaiva vanamasairire naana machingura, yakagara kwazvo ipapa yichiita basa rayo.

4 Asi Matenga vakayenda ikoko, vakanamatira mushonga wemvura yemurukowa irworwo.

5 Matenga vayi bvunzisa iyoyi mweya yakayipa kuti basa renyu guru ndereyiko?

6 Yakati isu tiri madzimudzangara tinogara muno mumvura chete,

7 Takauraya vazhinji, kuti tiwande, asi tiri vazhinji tiri njuzu.

8 Kunoti nerimwe zuva Matenga vanoti vanhu vaya vakatorwa nerwizi varikutarisisa kuti Matenga vanouya riniko kunotibisa.

9 nekuti vakanga vasandurwa vachivahove vese.

10 mweya iyiyo yayiwa murwizi irworwo yakabviswa yose.

11 Varikubviswa takanzwa nhurururu yichirira kupangidza kubiswa kwavo murukova irworwo.

12 Varikubiswa izvozvo Matenga vayimwaya mvura yavo yemushonga vachibira rwizi irworwo vanhu vayiyimba.

13 Tasvikapakati perwizi Matenga vaksara vachinamata ipapo vakanamata vakanangisa kumadokera kwavakatorwa nerwizi.

14 Matenga vapedza vakati huyayi vanangu muchiyimba chete. Todzokera shure, kuzoti taakunze kwerwizi, takapfugama Matenga vakateuraze pamwe na S. Mhundwa naMai Nyamushanya nevamwewo.

15 Matenga vanoti kuone anemaziso emweya ngaatarise pana machingura, masayirire, muchitarisa zvevanhu varikuburiswa murwizi.

16 Takabirazve, asi Matenga vayiramba vachizvuva zvuwa chari yavo yinonzi shumba iyoyo vachifumhira chari yavo parukohwa runonzi Deura (Devil river).

17 nguva yose yayiitwa basa rose iri hapana kumbopfuura motokari zvako kwete kwehwani ava, Matenga vachishanda basa ravo.

18 Ngatiiseyi pfungwa pakadzama vanhu Mwari .