Guta Ra Jehova
Lesson 72

Kudzoka KweMatenga MuGuta

1 Matenga vakati vava kudzokera muGuta, vakamira kachinhambwe kanokwana 1 mairo imwe.

2 vanhu veGuta vakanzwa kuti baba vauya.

3 Vakaridza mhururu nenheterwa vakamhanyira kunosangana navo.

4 Ipapo ndakawona vanhu vakabata mashizha kana kuti zvigurangu.

5 vakanga wachitsaira nzira vamwe wachikanda mashizha pamusoro pemotokari yakanga yiine Matenga .

6 vamwe vayimburumbuka pasi vachifarira baba wavo.

7 Motokari yaiva naBaba yayi dhiraivhwa naChakanyuka masiwa.

8 Asi baba hope yavo yakanga yichipenya chaizvo.

9 vakati vasvika muGuta ava mangwanani vanhu vese vakapinda mudivi , baba vakatangisa kurapa vanhu vese, vakati vapedza kurapa vakatarira mudenga, vakawona mweya yevatumwa yichigara pamunhu umwe neumwe.

10 mweya yevatumwa iyi yakanga yauya kuzokwazisa Matenga , pakava nerufaro.

11 nekuti baba vakanga vapedza tumazuva vasiripa Guta ipapo.

12 Urwu rwakava rwendo rwakatyisana nemwoyo wangu pabasa rababa.