Kudzoka KweMatenga MuGuta
1 Matenga vakati vava kudzokera muGuta, vakamira kachinhambwe kanokwana 1 mairo imwe.
2 vanhu veGuta vakanzwa kuti baba vauya.
3 Vakaridza mhururu nenheterwa vakamhanyira kunosangana navo.
4 Ipapo ndakawona vanhu vakabata mashizha kana kuti zvigurangu.
5 vakanga wachitsaira nzira vamwe wachikanda mashizha pamusoro pemotokari yakanga yiine Matenga .
6 vamwe vayimburumbuka pasi vachifarira baba wavo.
7 Motokari yaiva naBaba yayi dhiraivhwa naChakanyuka masiwa.
8 Asi baba hope yavo yakanga yichipenya chaizvo.
9 vakati vasvika muGuta ava mangwanani vanhu vese vakapinda mudivi , baba vakatangisa kurapa vanhu vese, vakati vapedza kurapa vakatarira mudenga, vakawona mweya yevatumwa yichigara pamunhu umwe neumwe.
10 mweya yevatumwa iyi yakanga yauya kuzokwazisa Matenga , pakava nerufaro.
11 nekuti baba vakanga vapedza tumazuva vasiripa Guta ipapo.
12 Urwu rwakava rwendo rwakatyisana nemwoyo wangu pabasa rababa.