Pipi ReMatenga Paguta
1 Rimwe zuva Matenga vamire pakati pechita chavo varikupa ukuru, nezvinenga zvarongwa nemweya.
2 Matenga vanoti pano paita pipi .
3 Shoko ngeredzimba dzanetsa chaizvo.
4 Danyeri dangwe reGuta mwese munomuziya.
5 Iye anoti mumba mwedu handidi kuti mugare munhu kwete.
6 Pakadaidzwa mumwe mudzimai umweni akabva anosungwa mudivi imomo.
7 Danyeri ndokubva anobuda pamudzimai iyeye.
8 Akataura kuti ini handidi munhu anogara mumba mangu akatotaura sedhimoni, asi ari mupenyu.
9 Kuratidza pipi reMatenga paGuta, remwaZimunya.
10 Kuzoti Danyeri azobva pamudzimai iyayo.
11 Kukazobudazve mweya wetsvina, pamudzimai umweni ayivapo.
12 Abuda akati ndini maiguru wake ndaivabarika.
13 Zvikanzi naMatenga urikudeyiko?
14 Akati ndinoda murume wangu zakare.
15 Rikataura zvarakakwanisa nekudzingwa kwarakaitwa mudenga.
16 Danyeri akatauraze kuti handidi munhu mumba mangu kwete handidi zvangu.
17 Matenga vanoti Danyeri arikutaura ari mupenyu kudzadzisa zvandakataura chete kuvanhu nemweya.
18 Kwakabudazve mweya wemudzimai waivakumusha kwake, akaita seakafa, asi ari mupenyu.
19 mweya uyu waida kureurura kumutumwa. Saka Matenga vanoti kusapedza kureurura tinopera kufa tose.
20 Matenga vakati kune vamwe wenyu wane mumvuri yevamwe vanhu, zvino yinotoda kubviswa.
21 Yikatozobiswa yose neMatenga rimwe zuva.