Baba Vanoenda Sinoya Pamambo Zimba
1 Yakati nguvayakwana ye yegwayana yekuti ritutsirwe munyika na vaJehova, zvirokwazvo rakasimuka rikayenda Sinoya.
2 zviro kwazvo baba vakanga vayenda kunobisa magobo akanga ashaya mubvisi munyika.
3 zvino baba vakayenda rechidimura nyika nepakati rikapota nemimikana yemakomo richidimura nemundwizi zhinji kwazvo.
4 Nyika yose yakazunguzika nevvakanga zviri pasi pevhu zvikadedera.
5 baba vakanga varonga vachiri muGuta kuti denga rizere nemvura asi Ivobaba vaJehova vachaita kuda kwavo.
6 Wuye rwendo rwacho rwakawoma chaizvo.
7 Tasimuka muGuta pipi guru chitima chakamiswa asi nguva yacho yekuti chisimuke yakanga yakwana.
8 Asi chakamirira vanhu vakanga Vasara varishure.
9 Tasvika muHarare takawona chimwe chitima chagarira kutitora.
10 pipi guru tava kusvika muSinoya vana veGuta vese Vakatangisa kuchema pamwepo.
11 Pekarepo takawona motokari yayiva neMatenga yichibva yapfuura.
12 Tava muSinoya imomo vanhu vakashama kwazvo nekuyimba kwakanga kuchita vana vava Jehova .
13 Matenga vasvika muSinoya vakawona mambo zimba vatovapo pahofisi ipapo.
14 zvino takayenda kunzvimbo iyo yakanga yapuwa Matenga kuti vashandire basa ravo.
15 Papi nepapi panofamba Matenga vanoto tanga vavo namambo nengosi yenyika iyoyo, vochizotanga kuita basa ravo.