Guta Ra Jehova
Lesson 11

KuvaiwakweGuta

1 Guta rakavaikwa rikakura dzimba dzikawanda kukwana 500.

2 Asi dzakazopfuura nhamba iyoyo, nekuti vanhu vakanga vawandisa chaizvo.

3 Hapana vakazodziziya huwandu hwadzo, nekuti basa rakanga raramba richikurisa.

4 Ndipo pakatsvagwa nemweya kuti iri iGuta raJehova.

5 mweya ukatizve pakafanirwa kunzi vadzimai vese vaane nhumbu vapfekedzwe Mateneti zvese izvi zvakabva zvarongwa nemweya zichitaurwa neMatenga.

6 Vakadzi vese vakawane kupfekedzwa mateneti paSvondo ne paSvondo riri rese.

7 Asi pakagadzirwa nzvimbo yekuti vayini vazosvikira ipapo vese vasati vabatwa pamusoro.

8 Iyi nzvimbo yayinzi matara kana kuti duriro.

9 Shure kweizvozvi ndokuuya musika wekutengesera mirivokuvanhu vaiwuya kuzorapiwa ipapo.

10 Vaitengeserwa nevamwe vanhu vaibva kumaruzevha.

11 Pakazovakwa imba yekusungirwa vanhu madhimoni mweya yakaipa.

12 mweya yakaipa yaibviswa kuvanhu yayiti, Ngozi , mashayi, mhondoro, madonha, huroyi, mangoromera, nemimwe mweya yakatsaukana, nemimwe mishonga yakatsaukana.

13 Makona, nenyanga zvaipiswa nemwoto naBeta akanga akasarudzwa neMatenga.

14 Munhu umwe neumwe ayireurura zvaakatadzira Mwari munyika achiri mupenyu.