KuvaiwakweGuta
1 Guta rakavaikwa rikakura dzimba dzikawanda kukwana 500.
2 Asi dzakazopfuura nhamba iyoyo, nekuti vanhu vakanga vawandisa chaizvo.
3 Hapana vakazodziziya huwandu hwadzo, nekuti basa rakanga raramba richikurisa.
4 Ndipo pakatsvagwa nemweya kuti iri iGuta raJehova.
5 mweya ukatizve pakafanirwa kunzi vadzimai vese vaane nhumbu vapfekedzwe Mateneti zvese izvi zvakabva zvarongwa nemweya zichitaurwa neMatenga.
6 Vakadzi vese vakawane kupfekedzwa mateneti paSvondo ne paSvondo riri rese.
7 Asi pakagadzirwa nzvimbo yekuti vayini vazosvikira ipapo vese vasati vabatwa pamusoro.
8 Iyi nzvimbo yayinzi matara kana kuti duriro.
9 Shure kweizvozvi ndokuuya musika wekutengesera mirivokuvanhu vaiwuya kuzorapiwa ipapo.
10 Vaitengeserwa nevamwe vanhu vaibva kumaruzevha.
11 Pakazovakwa imba yekusungirwa vanhu madhimoni mweya yakaipa.
12 mweya yakaipa yaibviswa kuvanhu yayiti, Ngozi , mashayi, mhondoro, madonha, huroyi, mangoromera, nemimwe mweya yakatsaukana, nemimwe mishonga yakatsaukana.
13 Makona, nenyanga zvaipiswa nemwoto naBeta akanga akasarudzwa neMatenga.
14 Munhu umwe neumwe ayireurura zvaakatadzira Mwari munyika achiri mupenyu.