Guta Ra Jehova
Lesson 175

Kusvika Kweshoko MuGuta Rekupfuura KweMatenga Munyika

1 Vakuru vakure nevatungamiri veikoko vawona kuti chokwadi musiki apfuura munyika iyezvino.

2 vakayenda kundisa rupoti kuhurumende muSinoya.

3 Vataurira Mudziti weSinoya, vakabva vayendesa svoko iroro kuMudziti wemwa Mutari.

4 Shoko rake rikati taurira Guta ravo kuti Matenga vapfuura munyika.

5 Shoko rasvika mwa Mutari muna Mudziti, wakatumira ngosana yake, yikauya muGuta yikataurira mambo Ziminya.

6 Yakati munofanirwa kutora Jipi yavo zvichida muchauya navo kuno.

7 mambo Zimunya vakauya neshoko iroro mukati medivi umo makanga muzere nevanhu.

8 Mwakanga muchiparidzwa zvaityisa chaizvo.

9 Asi Dzakanga dzawangwa dze 3 o'clock paSvondo yezuva rodoka.

10 zvino mambo Zimunya akati ndatambira shoko rauya ne ngosi , iyezvino kugedhi uko.

11 Rati Matenga vapfuura munyika havasisikoba vaenda mudenga ravo.

12 zvino vanhu vose vakanga vakabatwa negetsi kanguva kashomanani ikako.

13 vamwe vakaputsika pasi vakafenda vamwe vakabatwa nemasimba, vamwe vakatangisa kuchema.

14 Vamwe vakatangisa kuzvipondera pasi, vamwe vakazobva mudivi voitwa zvokutekwatekwa, Vasikachagoni nekufamba kose.

15 zvino divi rose rakatinhira nemasimba zvakatyisa chaizvo.

16 zvino vanhu vakazobva mudivi vakazoungana pangarava yeMatenga.

17 Chishamiso ngechichi shoko risati rasvika muguta musiwe Svondo wacho, madzimambo vakafora vari pamberi pemasoja.

18 Takati tava kugeti vanhu vachitamba masoja ngoma yechirira.

19 Pasi pakanga pachitinhira pamwe nedenga zvikava nekutyisa munhu wese kuti chinyiko.

20 Matenga ngakomborere aya mashoko avenekusinga peri Amen.