Gombwe Guru
1 Mbiri yeMatenga yakanga yaenda kurekwazvo.
2 Nevamwe vachenjeri vakadisa kunovawonawo ivo Matenga .
3 Pakauya Chaminuka Gombwe guru.
4 Anzwa nemukundumbira kuti kune Matenga , vakauyawo paGuta raJehova pakanga panemumwe murungu ainzi ndidhokota, nemumwemunhu vari vatatu.
5 Uyo dhokotera mukuru wemuHarare.
6 Apinda mumba mwemutumwa akati tinoda kutaura newe.
7 Matenga vakati tanga wareurura, ndokubata musoro, ndokuzotaura newe.
8 Rikati handibatwe musoro nemunhu wemukadzi.
9 Matenga vanoti kanawaramba mutemo veMatenga, ungabva zvako pano.
10 Anzwa izwi iri, akada kuputsikira pasi akabva atiza, asihaana kuzooneka, kana kuzotaura zvako.
11 Dhokotera uyu vanoti dai ndaiziya kuti ndozvaunosvika woita ndingadai ndisina kuuya newe.
12 vese wakazoenda vasina chawakazoita ipapo.
13 vese vakashamiswa nekupenya kweMatenga, vakabva vaenda vese.