Zuva Guru Re Easter MuGuta RaJehova
1 Rakati zuva guru reSvondo rasvika muEaster, zuva rakakunda mwanakomana wemunhu.
2 Takafuma muka mangwanani techipembera neGuta rose.
3 vanhu vazhinji zhinji vakanga vachiyimba Jerusarema musha wangu musha wakanaka.
4 zvino makanga muine mutinhimira wekuyimba uko kwakanga kwuchityisa chaizvo.
5 zvino tava mudivi shoko rakati munofanira kukwira mugomo.
6 vanhu vakakwira vachimhanyidzana, nekuti vaiziva kuti mune upenyu.
7 mugomo imomo munhu umwe neumwe ayizivratidza pamberi pava Jehova .
8 Achiti wonayi baba makandikodzeresa, ndava murume, ndava mukadzi vakafanira nepamusana pewakauya munyika.
9 Kuzoti Matenga vauya mudivi , vanhu vese takadzika kubva mugomo.
10 Pekarepo Matenga vakasimuka mukati mevanhu wavo.
11 Vakati amukana nhasi mwanakomana wemunhu kubva muguva.
12 Vakunda saka mawona riri Jerusarema chete, rufaro chete mukati memaguta emudenga sezvitiri muno niasi muJerusarema.
13 zvino zvifananidzo zvakaburitswa, zvaida kupinzwa mudenga zvakareurura zvose zvikapinzwa zuvaro.
14 Kuzoti paSvondo yemasikati vana vakabhapatidzwa.
15 vakakwana makumi mayiri ane masere, kuratidza mbiri yababa munyika.
16 vanhu vaMwari tayifanira kutyiswa pane mashura nezviratidzo zvakadai.
17 Dai asaka uya zvinhu izvi tayizo zviburitsirwa naniko?
18 Tayipera kuraswa tose muAfrica, vana vokutsvairwa neruwoko bedzi.
19 zvino akauya mununuri , akauya kuzoti nunura isu vana vekutambudzika.
20 vana vese ava vemhanje dzaita mbudzika munyika, kondiyani ayizovapa vana.
21 Tayifanira kudayira kuti uyu ndiMwari akadzika munyika.
22 Easter iyi pakanga paine mazana nemazana evanhu.
23 Saka pamufananidzo uyu ndiwowo vanhu vakabva mumatambudziko.
24 Vakutenderera chigaro chababa chineupenyu husingagumi.
25 vamwe vavo vakauya ruru rufu, vamwe Zvirema, vamwe mapofu, vamwe mbeveve, vamwe vayi penga.
26 Asi vasangana neruwoko runoyera hewo vakuchirira pamberi pemusiki, vachizviratidza kuponeswa kwavakaitwa.
27 vanhu vaMwari ini ndinotyiswa nemabasa makuru arikuitwa na vaJehova mukati menyika.
28 Tayifanira kusai pfungwa kwakadzama vanhu vaishe. Amen.