Guta Ra Jehova
Lesson 109

Kuwuya Kwemutumwa Mukuru MuGuta

1 Nerinwe Svondo muGuta makaita mumwe musangano unotyisa kwazvo.

2 wakanga uri wemutumwa Hana na Chigurangu nevamwe vatumwa vakuru vakuru.

3 zvino Hana akanga adzika kubva mumaguta emudenga.

4 zvino mutumwa Hana akaiswa panaMai chareka akanzi ndiye cheyahumani wemuguta.

5 nekuti mutumwa Hana akanga ari cheyawumani wemudenga.

6 Mangwanani acho iwoyo mudivi makazara nezvigurangu zvemashizha Matenga vasati rauya.

7 Kuzoti baba rauya vakati nhasi vatumwa vedenga vari kupfekedzwa yunifomu tsvuku ya Jeneti .

8 Kwete dziye baba hawadziziwiba nepadiki pese.

9 Ya Jeneti ndiyo yandakanosangana nayo mudenga.

10 Ndozuva rakapfekedzwa mutumwa chigurangu panaMai mamvura, pamwe nevaVhangeri vayiri na mabarani .

11 Pekarepo vakagara pasi vakanwiswa chipikirwa .

12 vakanga Vakapfeka mikwakwa mitsvuku, masoja vakanga vachiimba vachitambira musangano.

13 Matenga vakati mabhande aya anobva muGuta ra Jesu.

14 Zviri mumaguta emudanga nhasi zvinotyisa kwazvo vanangu.

15 Hucheyahumani hwayisopiwa nekuzikanwa, asi uhu hahuna kudaro.

16 Kwete kupfeka bhache ne bhande vabva kuroya, kana kupomba, kuputa fodya, nhasi mwayereswa, mufu Nekuti mapfekereyi.

17 Matenga vakati nhasi ndinomuudzai zvirikuitikai mudenga mumaguta.

18 muGuta ramambo Jesu anopa mabhande ndi Charisi ndiye mukuru imomo.

19 Chinondo dzowa zvacho chirimo mukati mevadzidzi, muGuta iroro.

20 Pekarepo Matenga vakati zvava kwauri kuti unoda kuyenda kuGuta ripi wozvisarudzira.

21 Jobo makamuwona pagedhi nechamboko chake nevatumwa vake, hakudikanwi chakaipa kana nechidiki zvacho.