Guta Ra Jehova
Lesson 31

Kusungwa KweMadhimoni MuGuta Ravo

1 Iribasa remadhimoni ndiro rakawuyira Matenga kuti tese tiwone kupona tichiri munyika, zve ndipo pane basa guru guru. Matenga vanoti vagere zvavo, vanotarira mukati mwevanhu vavo vachiwona kuti mweya yese yakaipa yemadhimoni yawanda yavaitaura vanhu kuti vayende mumba yekusungirwa mweya yakaipa madhimoni ayibviswa mumba imomo ayiti, ngozi , uroyi, kuba, madhimoni ekupomba, ekumwa, ekuputa

3 Neamweni ehamadzedu dzakafa kare idzo dzinogara panesu tisinga dziziyiba kuti tiri kufamba nemumvuri wevakafa, nemimwe mweya yakatsaukana yakaipa yaibviswa ndichiwona nemeso wanguya.

4 Kwayiti vakanga vosunga madhimoni, ava ndivo vanoshanda neMatenga pakubvisa madhimoni.

5 Vanoti vayimbi, kuzouya ava vakomana vayiri vakapihwa masimba eMatenga kubata mweya yakaipa madhimoni nekuti anenge achirwisawo.

6 Achitaurawo mhosva dzavo anenge abvunzwa naBeta naJames vakomana vanemasimba anotyisa kwazvo, avakapihwa neMatenga.

7 madhimoni aya anoti abuda anotaura, amwe anoramba kutaura zvavo.

8 Kana rabuda pamunhu, toti wabudirwa nedhimoni rengozi, rinotaura zvarinoda kuripirwa pamunhu yo.

9 Rataura charinoda, ropihwa zvarinenge rataura zvese.

10 Kuzoti raenda munhu iyeye anenge ayine dhimoni racho, anotaurirwa kuti ayende kumusha kwake anoita izvozvi zvinenge zvataurwa nedhimoni rake.

11 Aita izvozvo anowana nekupona, zeanowa nekunamata akasununguka, nekuti haasisina chinomunetsa, mweya wakaipa wabiswa wedhimoni, apona.

12 vanhu vese vakawona izvi paGuta raJehova, mwoyo vavo vese wanofarira kubviswa mweya yakaipa yemadhimoni.

13 Kunoti kwauya wayeni kana watsva vachiri kutangisa kupinda muGuta, mishonga yavo yinopiswa yakadayi nge, makona, hambi, zvimbwanana, huroyi, nemimwe miti yakatsaukana yaipiswa naBeta naJames wayine masimba anotyisa vachitinhira, nezvese zvinenge zviripo zvinodedera chaizvo, vanhu vaMwari, ndakazviwonera pachangu.

14 Miti yese yakaipa yinopiswa paGuta raJehova.

15 Ivo vakomana ava ndivo vaiendesa vanhu ivo vanonenge vabviswa mweya yakaipa.

16 Raremangwana vaiyenda navo kuJorodhani kana vataurwa neMatenga.

17 Kuwone anenge azvipira mwoyo wake kuna Mwari ngeidi, ndivovo vanonotambira mweya unoyera masimba .

18 Vanoenda kuJorodhani kuti vageze zvivi zvawo zvose.

19 Mumvura imomo wanobva vavanemasimba, sezvakaitwa Jesu nemusi wewakaombekwa naJohane paJorodhani.

20 mweya wakabata Jesu zvakadaro mumvura imomo.

21 Tarisa mutsamba raJohane 1. 29-34.

22 Saka tinotora chokwadi kuti uyu ndibaba.

23 Kana vadzoka kurukova ikoko, vanenge vagashidzwa mweya vaya wanonowona Matenga wobva vatanga kubatwa nemasimba.

24 Kana ndichiti masimba ndinotaura mweya mutsvene unotinhira.

25 vanhu ivowo kuzoti avamangwana vanoratidzwa kuwa chejeri.

26 Mangwanani ivavo Matenga vanovaisa muraini vakatarisa kumabvazuva.

27 Matenga vanosheedzera kuna vaJehova vachiti ndivo vanhu vamwakageza tsvina yezvivi zvavo, ndinovaratidza kwamuri baba, kudzadzisa basa randakadzikiira, ndivo vanoenda kugomo kungundu ivavo.

28 Basa rimweni revakomana ava muGuta, ndidzo n'anga dzeGuta dzakapihwa masimba neMatenga.

29 Kana muchirwariwa mudzimba, ndivo vanoenda kunonamatira murwere iyeye.

30 Kana vasakabatwa nemasimba denda iroro harisiye munhu, asi kana vakabatwa nemasimba anopona zvake munhu iyeye.

31 ndivo mabasa evakomana ava muGuta.

32 zvino pakutsanangura uku, basa rakaitwa neMatenga iguru guru kwazvo.

33 Zizhinji zhinji zaakaita paGuta ravo re paSeke pakandava.

34 Pakati nerimwe zuva varimudivi, mvura yakanga yichida kunaya nesimba kwazvo.

35 Asi Matenga vakasimudza ruwoko chete. Ikabva yapararira, ikasazonaya.

36 Zvikashamisa nani nani akanga aripo.

37 Kune vazhinji zhinji vakaponeswa, kubvira paGuta ravo dzimara paGuta itsva, Tarisa Marka 1. 25-28.