Kuchinjwa Kwe Christmas Ye Chiitwa Easter
1 Hama dzangu pano Matenga vakasiya vadzima Christmas mugore ra 1959.
2 Unoziya anaziya takatamba Christmas iyoyo tichiyimba Tenzi taungana.
3 zvino hatina kuziya kuti zvareveyi, asi wuye Matenga vakanga vataura kuti pasi riri kuda kuparara.
4 Vakashingaira chaizvo ivo baba zvisakazoitika.
5 zvino taane Easter mbiri ivezvino yinoti yekwa mambo Jesu, youya yeMatenga.
6 izvi zvareva kuti chokwadi vana ve G. R. J. havasisina Christmas munyika kwete.
7 Mukati memashoko ese amucha verenga mukati mebhuku ravo Matenga ava.
8 Zvava kwauri iwe vakazviwonera ukazvinzwira wosarudza nzira yiri yechokwadi.
9 Kureurura, kuchengeta, zviziyiso nemirairo ndiho upenyu vaidaro Matenga vedu nguva dzose.
10 Ndinokumbira kunababa kuti vaite kuda kwavo pamberi pezvinyorwa zavo izvi.
11 baba vachaita kuda kwava mukati memashoko aya.
12 Matenga ngaakomberere izvi zvinyorwa zvavo, wuye vasandikanganwawo pakuguma kweizvi, dzimara mukuparara kwenyika ngazviropafadzwe navo nekusinga peri Amen.