Matenga Vanotaura Zvikonzero
1 Hama dzangu ndinokuudzai kuti zvinhu zvinotaurwa, zvinobva mumuromo weMatenga zvinobva mudenga, vakati vachitaura zvikonzero zvinoita kuti vanhu vadzokere shure vasanamata.
2 Rakati tendere pakati pevanhu richiti munhu nemunhu akafanira kutyiswa ne izvi.
3 Matenga vakanga vazere nemasimba edenga vakataura vachiti munhu nemunhu anotadza kunamata Mwari , pamusana pemweya yakaipa mweya yetsvina kana kuti madhimoni.
4 Matenga vanoti munhu anoba idhimoni rinoita kuti abe, ano pomba idhimoni rinoita kuti apombe, anouraya idhimoni rinoita kuti auraye.
5 wese munhu anoita mabasa akaipa unokonzerwa nemweya yetsvina kana kuti madhimoni.
6 zvino baba vanoti kana munhu anamata Mwari zvazviri, ngaabviswe mweya yetsvina iyoyo madhimoni.
7 Ipapo ndakawona vanhu vazhinji zhinji kwazvo vachibviswa madhimoni, marudzi mazhinji akabudiswa neMatenga.
8 dhimoni raiti rabuda pamuridzi waro zvino Matenga vaibvunza dhimoni kuti urikudeyiko pamunhu ugere, dhimoni iroro rayiti mukutaura ndatsva nemoto.
9 Mamwe madhimoni ayive euroyi, amwe aiyive engozi dzevakafa kare, vamwe vakafa wachizvisungirira, vamwe vakafa wachizvipisira mumba, vamwe vakafa wachipondwa nevanhu.
10 Ndizvo zvikonzero zvakauyira Matenga .
11 nekuti ngozi yayiti yagara pamunhu ndiyo yayi mutuma kuno ponda vanhu, ndiyo yayi mukonzera kunouraya, ndiyo yaimukonzera kunoba, ndiyo yinomukonzera kuita mabasa ese asina kukanaka.
12 zvino vanhu vawona nekufunga kwavo vakati zvirokwazvo uyu ndibaba vakauya kuzotinunura.
13 nekuti vakanga vawona napipi nemashura nezviratidzo.
14 zvino Matenga vakanga vakamira pakati pechita chevanhu vazhinji zhinji vakabata bhuku muruwoko rwake, akati (Pitorosi na Mariya) uko ndiko kuti varume nevakadzi Tarirai ini ndiri iye akabva mudenga munababa.
15 Ndakauya kuzo mubvisai mumadzudzo nemumatambudziko amwakanga muchi wonewa nemweya yakaipa yetsvina, saka ini ndiripo kununura kune unoda kununurwa, ndiripo zvekukuratidzai nzira yekuyenda nayo mumusha.