Kufamba Kwakaita Matenga Munyika Vachiita Basa Ravo
1 hama dzangu ava vakanga vari baba vatakasangana navo.
2 Takafamba navo tikadya navo vakatiratidza zvityiswa vakaita mabasa mazhinji zhinji asinga verengeki.
3 Vaka wona vakaona, zeya urangarire pawakasiirwa uri kuti vachadzoka vachikuwona uripo here kana kuti kwete.
4 Wada here zvenyika, kana wada here kunyengedzwa nechaunoziya, chawakawona baba vachitaura pachena.
5 Rangarira chiyimbo cha Mhiriyemu, Wona vanhu vako Mwari kudza dzose nguva.
6 Vakazodzokazve kwaMudziti vakazobva varipiwa chose musi va 23rd July 1956 musiwe Muvhuro.
7 Kutangisa kupfekedzwa kwe yunifomu paGuta waiva musiwa 16th September 1956, svondo yemasikati mudivi .
8 Matenga vakatangisa kupihwa ngarava yavo musiwa 17th October 1956 nomusiwe Svondo masikati.
9 Rwendo rwokutanga ku Munyanyadzi muna May 1957.
10 Vakazofambazve vakayenda Chipinge muna 1957.
11 Vakazoendazve ku Sipolilo muna November 1957.
12 Zuva rengunda yevekumabasa waiva musi wa 20th China dzimara 24th Muvhuro muna February 1958.
13 Matenga vakayenda kuZaka nomusiwa 10th March 1958.
14 Kutangisa kusvika kweMatenga paZimbabwe musi va 17th March 1958 nomusi we Muvhuro.
15 Matenga vakatangisa kwenda ku Bulawayo musiwa 5th May 1958, Muvhuro, vanhu 4th May nesondo.
16 Musangano wengundu yeMasoja yekupedzisira waiva musiwa 13th July 1958 neSvondo.
17 Musangano wokutanga waJeneti waiva musiwa 23rd August 1958 Nemusiwe Svondo.
18 pipi guru kusumudzwa kwe Hwai muGuta waiva musiwa 12th September 1958.
19 Kuzarurwa kwe Chitoro Chamakuyana waiva musiwe Mugovera masikati 4th 1958.
20 Zuva ravakayenda kwa Zvimba Sinoya waiva musiwa 20th October 1958 vanhu 19th Svondo Matenga nemuvuru.
21 Zuva rakaenda Matenga ku Highfields vachibva Sinoya, waiva musiwa 11th November 1958.
22 Kuzarurwa kwengarava yeMatenga vabva kuHighfields waiva musiwa 7th December 1958 ne Svondo.
23 Kutangisa kuwuya kwevatumwa vemasoja muGuta waiva musi wa 19th April 1959 neSvondo.
24 Kutangisa kwenda kwa Honde kweMatenga waiva musiwa 3rd August 1959.
25 Kutangisa kupfekedzwa Hova Dzoruponeso waiva musiwa 20th September 1959, Svondo masikati.
26 Kupfeka Hova dzoruponeso kwevazhinji waiva musi va 13th December 1959 neSvondo masikati.
27 Kuyendeswa kweMatenga paManyene waiva musiwa 4th May 1960 nechitatu.
28 Kudzoka kweMatenga muGuta kubva kumanyene waiva musiwa 22nd June 1960 maoro echitatu.
29 Kutorwa kweMatenga pakati peusiku 1 o'clock nomusiwa 9th November 1960 raivazuva reChitatu.
30 Nomusi va 25th December 1960 baba vakasimuka munyika vakayenda mukati medenga.
31 baba komborerai izvi zinyorwa zvenyu nekusingaperi Amen.