Guta Ra Jehova
Lesson 106

Musangano We Ngundu Yemasoja MuGuta

1 Yakanga yiri nguva ye harede apo Matenga ivo vaJehova vakanga vari kuita basa ravakabva naro mudenga.

2 vanhu vakanga vaungana muGuta zvinotyisa chaizvo.

3 Akanga ari mangwanani eSvondo, apo Matenga vakati vana wekumabasa simukai muende muraini.

4 zvino wagara muraini, baba vakati vanangu nhasi baba vati munofanirwa kunotora umambo hwemudenga.

5 Kwete dziye dzino gadzwa munyika.

6 Ngundu idzi Dzakanga dziri dzeupenyu husinga gumi.

7 vanhu ava vakaendeswa kugomo ikoko, kuti munhu umwe neumwe anovhurirwa zvityiswa.

8 Kuti umwene umwe azviwonere kuti chokwadi uyu akabva mudenga hasasiri munhu kwete asi ndiMwari.

9 Masoja aya vakuyenda vakanotora zvigurangu, umwe ne umwe wavo vakange ayine chigurangu muruwoko rwake.

10 vari kuenda vakanga vachimacha sevari kuyenda mukati medenga.

11 vakanoswera variko sezuva riye, rakakwira mugomo Ishe Jesu na Peta na Johane.

12 Vamo vakavhurirwa denga vakawona Ishe Jesu na Mozisi naEliya varikutaurirana.

13 Asi chishamiso neichi muriko munoswera muchivawona vari vatatu, nevatumwa vese vedenga.

14 Kana ukadzikisa ndangariro dzako kwakadzama unozviratidzwa.

15 Nemaguta ose emudenga munoawona, kudzadzisa chokwadi chegwayana nezvizhinji zvandisina kunyora.

16 Kuzoti vaswera variko vachiratidzwa upanhi hwe Matenga vakazotorwa ne vavhangeri.

17 Ikoko vakaswera vachipupura tsamba rakanyorwa kuna Johane nezvavakanga vachiratidzwa.

18 Tsamba iyi yinoti Mwari vakayidisa nyika vakatumira mwana komana wake pasi kuti ani naani anotenda kunaiye haazofi asi anozova neupenyu husinga gumi.

19 Musangano uyu wakatambirwa zvinotyisa chaizvo.

20 Vanodaro Matenga panangu munoti kutamba kwenyu here, asi kutoti, mangamakagarwa nevatumwa vedenga.

21 Pakanga pakaungana vanhu vazhinji kwazvo vakanga vabva mumatiri mana ese enyika akasvikira paine musangano wengundu.

22 Kuzoti zuva remagwana acho vanhu iva vakaswera vakapfigirwa vachiratidzwa chete.

23 zvino mukati mevanhu ava sandi vese vayiratidzwa upamhi hwedenga.

24 vamwe vavo vayisimuka vachizvipupurira kuti, ini ndaratidzwa rufu, vamwe ngozi , vamwe huroyi hwake, vamwe hupombwe nezvimwe zvakatsaukana.

25 vamwe vayishaya kuratidzwa nepamusana pezvifananidzo zvakanga zvakavagara vanodaro Matenga .

26 Ndizvo zvaita kuti vasawona ukuru hwava vaJehova vakauya munyika.

27 Kuzoti zuva reChitatu racho takafumamuka tikapinda mudivi .

28 Rakanga riri zuva guru kwazvo iro vakapihwa chipikirwa negorinde.

29 Vachigezwa makumbo, mawoko, nemakotsi avo neMatenga.

30 Sezuva riye rakageza Ishe Jesu vadzidzi vake tarisa Johane 13. 1–20.

31 nhasi Matenga vanodaro vanenge vayenda kunotora umambo hwemudenga.

32 Ipapo gwayana rakanga rakapfeka nguwo tsvuku dzeropa, Dzakanga dzichityisa kwazvo.

33 zvino rakateurira mushonga wemvura, kuti umwe neumwe ageze mawoko ake apo aine achizobatana mawoko nevakanga vagadzwa zviremba zvemudenga.

34 Pekarepo baba vakati umambo hwapiwa vaya vakanga vasina kufanira munyika iyezvino.

35 Ngundu iyi yakatyisa kwazvo yemasoja vakanga Vakapfeka mikwakwa yomudenga.

36 Musangano uyu wakatyisa kwazvo nekuti takagara munyika hakuna vakambopiwa zviremba zvemudenga kwete.

37 Asi benzi musiki awuya zvose zvakaitwa pachena zvikava nekuzikanwa.

38 Saka nhasi unozviri kuitwa mudenga ndizvo zvikuitwa pasi pano muJerusarema Guta romweya.

39 Tinga chengeta seyiko zviremba zvemudenga izvi homadzangu?

40 Daitanga taisa mwoyo yedu pasi petsoka dzeMatenga ivo havazotisiyivo paumambo hwavo hwedenga. Amen.