Mambo Zimunya Anokumbira
1 mambo Zimunya vawona chokwadi cheMatenga, nehuwandu hwevanhu kuwanda kwavo.
2 vakayenda kuNgosi kunokumbira mazuva kuti Matenga vamboramba vachitabasa ravo, nekuti vanhu vakanga vari kuramba vachiuya kuruponeso chete.
3 vamwe vevakuru vakauya naye, vakagumbuka vanzwa kutaura kwamambo.
4 nekuti vakanga vachifunga vachiti ndezvenyama nyama ndezvemweya.
5 vakati isu tavakuyenda nekuti vakanga vagumbuka nazvo.
6 vakanga vachida kupona vega vasingafungi kuti, haana kuuyira munhu umwe asi vakauyira vese vese, kuti apone pamweya nepanyama. Tarisa tsamba ya Johane 6. 61-67.
7 Ndipo panoti, Matenga ndawona mwoto muGuta vachibva kumabvuku vachisika kuneshenari semazita eGuta racho.
8 vachibva kumabvazuva vachienda kumadokera.
9 Zvakabva zandozo iti kawo Saizvozvo paGuta Ravo.
10 Matenga vanotaura vakamira pakati pechita chavo.
11 mweya wakaipa wawanda kwazvo wekumanikidza Matenga kuti hendei.
12 Matenga vanoti nguva yangu yekuti ndiyende yanga yisati yasvika yokuti ndiende.
13 Bvandoenda zvangu, nekuti mweya hauchakodze rani neMatenga.
14 Matenga havana kuzofadzwa nazvo kwete.
15 Kuzoti akwenda wakamira pamberi, pakati pevanhu vavo vachiti kuna mambo Zimunya usachema zvako.
16 Shure kwemazuva mashomanani ndichakufunga ndokubva vaenda.
17 Vasvika pahotera yaMurapa ndokusangana nebofu raiva nenhumbu, ndokubva rasunuguka pekarepo mwana wemusikana, vakafara kwazvo.
18 Kuzoti vaenda ndokusvika paRusape pakanga pakaungana vanhu vazhinji zhinji vaigarira Matenga nevanhu vavo.
19 vakasiya vaisa munamato ipapo.
20 vakapfuura vachienda kuGuta ravo rekwaSeke.
21 Uko vakanga vasiya Guta roga, vawona zechita chikuru chakavarindira, Chakanga chawa nenyota yeMatenga mukufamba kwavo.
22 vakanga vakandogaririra dzimara vakasvika.