Tsananguro Yavo PaGuta Itsva
1 Matenga vamire pakati pevanhu vavo wazhinji zhinji, vachitaura aya mashoko a mai Kahari.
2 Rufu rwamai Kahari rwakafadza Guta kwe mazuva mana, kubvira paChina dzimara paSvondo, kuine rufaro kwazvo.
3 Kunga kusakamboitika rufu kwete.
4 Guta rikakurumbidza Mwari siku nesikati pachokwadi.
5 Kukanamatwa zvinotyisa kwazvo.
6 vanhu vakapemberera hama yakachengeta mutemo veMatenga.
7 vakafa vayine nhumbu yemweya, vachizopfekawo mateneti sevamwe.
8 Asi Matenga vanoti ane mwana wake, vanemazita avo, mai meri mwana Febi, ari muguta reMatenga.
9 Asi mudenga munopindiwa neakashingirira kuchengeta mutemo yavo.
10 ndivo vakazarura musiwo wemateneti.
11 Akanga apfigiwa ngekudarikira mirai yaMwari.
12 Haana kuzopfigivazveba nenzira yokubudirira kwavo, pakaitika pipi guru chaizvo.