Guta Ra Jehova
Lesson 179

Kuchengetwa Kwembwiro ReMatenga

1 izvi hazvinga shamisi ani naani asi zvinhu zviripo zvinofanirwa kunyorwa.

2 zvino vaya vakatora Matenga muGuta ndivo vakachengeta mbwiro ravo.

3 Sezvo chitunha cheMatenga ichi chakanga chagara mazuva mana rechina ndokukotswa.

4 Pakati pemazuva mana ava pakanga paine bishe nemhere mhere.

5 Sezvo vamwe vakanga vechikwira nekudzika kuti panga gadziriswa senyi.

6 Vamwe vaiyenda kwa Nyamushanya asi zvinhu zakaramba zakawoma bedzi, pakashaika kuti pangaitwa senyi.

7 Kusimuka kwababa muAfrica kwakanetsa kana ukaisa pfungwa pakadzama.

8 Asi zvisinei pakatsika rekutanga ndopakatsika roshure.

9 Paguta ipapo pakazogadzirwa, pakazovakiwa imba huru yine muchinjikwa muchena pamusoro payo.

10 zvino mbwiro reMatenga rakazo vakirwa ngemukati memba yacho.

11 Paguta iroro pane dzimbawo, wuye panogara vanhu, vanochengeta ipapo.

12 Vanopindawo Svondo katatu pazuva, vachikudzavo musiki wavo.

13 Muchegeti wacho mukuru ndiChiweshe nevamwewo varipo.

14 Vakandorindira pambwiro ipapo pakavakiwa Zvinoshamisa chaizvo.

15 Pane geti rakavakiwa usati wasvika pamba yacho iyoyo rakavakiwa zvinoshamisa chaizvo.

16 Nemukati memba yacho iyoyo makagadzirwa Zvinoshamisawo, nemufanandizo weMatanga mukuru chaizvo urimo.

17 Asi ini ndinoti sechinhu ichochi chikuru chaizvo pakati pehana dzavo.

18 Sakaini hama dzangu ndinoti zviri panemunhu kuzvifungira kuti tose takasangana naMwari.

19 Munhu woziya zvawakanzwa nezvawakawona Matenga achiita pamberi pe meso ako.

20 Ini ndinoti vanhu aya vanoziya chavakagarira, zviriku Matenga bedzi.

21 Matenga ngaropefadze aya mashoko avo aya nekusinga peri Amen.