Guta Ra Jehova
Lesson 103

Zvishamiso Ne Zvishamiso Zvakaitwa Negwayana Mu Bulawayo

1 Mutimhimira ne mukurumbira wakasvika dhorobha rose.

2 Nova vaiti vasimuka vachidanidzira vachiti Ishe taungana, Matenga taungana mudivi renyu.

3 Kuyimba uku kwaita kuti vanhu vafunge kuti rwuyo rusinga netesi rwuyonyi.

4 Nyikaiyi yakanga yazunguzika chaizvo.

5 vanhu vakanga vari muma hosipitara ye T.B. vakauya vakawanda kwazvo.

6 vakati isu tinoda kuti tirapwe tipone zvedu.

7 vamwe vakadzoka asi vamwe vavo vakati isu tinoda kupona, pano pane ruponeso urwo tisakambo wona muupenyu hwedu.

8 Nematsotsi ayiwuya kuzoreururawo, hutsotsi hwavo.

9 ndivo vaya vakanga vari magororo, vamwe vakanga Vasikadi nekutera mutero wehurumende asi vakutoterawo.

10 Hapanazve munhu wenyika akambo swatanudza magandanga nema gororo munyika.

11 muBulawayo makaitwa basa guru risakamboitika munyika kwete.

12 vanhu vaMwari mwoyo wangu wakatya zvikuru kwazvo, Nekuti zvaiyera kubatana nevarungu mawoko.

13 Nevazhinji vakanga vadzoka munyika vakauya vakareurura zve vakabatwa pamusoro.

14 zvino varungu vakuru vakuru vedhorobha iroro reBulawayo vakati, Matenga takanga tisinga zvivi kuti basa rako iguru zvakadai.

15 zvino unofanira kuti uvake chechi, dai zvaibvira wayitaura nevanhu vako, tinga vapa nzvimbo yekuti yivakwe.

16 Asi apo Matenga vakaenda Bulawayo hwai yakasara, kuzoti Vapedza vhiki imwe, yakatevera na S. Zimunya na Tsoka.

17 Asi Nowa muyimbi akanga arwadziwa ndiyo yikabuda peari yikataura.

18 zvino hwai iyi yayishamisa kwazvo, pipi muchitima yayifamba nevanhu vayo.

19 Kuzoti yasvika muGuta re Bulawayo, Matenga vakabatwawo nemasimba zvakatyisa kwazvo.

20 Pekarepo Nowa na Jobo vakabatwawo nemasimba zvakaratidza kuti pasvika munhu mukuru kwazvo.

21 Chishamiso vanhu vaMwari ndakawona hwai ichi batwawo nemasimba, mwoyo wangu wakadzamirwa.

22 vanhu vashe ngati ziveyi kuti pane Matenga ndipo pane upenyu hwedu.

23 zvino vanhu vakauya zvakanyanya kwazvo, kubva muma tirimana enyika.

24 vamwe vaibva Harare, Mutare, Sinoyu, Sipolilo nedzimwe nzvimbo dzakatenderedza Bulawayo.

25 vese vakanga vaine vatumwa vakuru vakuru Gomo, Chemuuyu nevamwe vachinji vakayenda kunowona Basa raMatenga.

26 Na Ishe Nyakunu Mai chareka, nemapurisa eGuta vakateerawo.

27 pazuva rekudzoka, Gomo akasimuka akapupura chaizvo, akati nhasi ndichadzoka muGuta.

28 Nevakomana wekumabasa wakanozviwonera, vakapihwa kutya neMatenga nekokokora yakaropafadzwa.

29 Pane zvizhinji zvakaitwa zvisina kunyorwa zvimwe zvacho ndeizvozvi