Kuvakwa Kwengarava YeMatenga MuGuta
1 Kwakati gwayana ratutsirwa munyika umo rakanga rayenda kunonunura vakanga vakaremerwawo sesu.
2 Ngarava yavo yakasara yikavakiswa zve patsva, mabhiridha ne makaripenda acho e muGuta.
3 zvino muvhangeri Chareka ne vatungamiriri vema Mutare ndivo vakanga vachitenga zvinhu zvacho zvakanga zvichidiwa paNgarava ipapo.
4 Pakabva pavakiwa negaraji re motokari yeMatenga, zvose, zikapendwa nependi chena.
5 Kuzoti nemusi we Svondo magwanani takakwira mugomo tikadzika zve mudivi .
6 Tiri mukati mekutendera gwayana rakauya mudivi richibva riri mumba imwe yaraigara.
7 zvino mambo Zimunya vakauyawo zuvaro Vakatangisa kuwonana.
8 Hatina kuzivakuti zvarewenyi, vakakwaziswa neMatenga.
9 Asi Matenga vakanga vakabatwa nemasimba zvinotyisa kwazvo.
10 Muzvizviyiso Matenga vakatsanangura nerwendo nekuwoma kwerwendo irworwo.
11 zvino vatumwa vakaburitswa, vachichingamidzana neMatenga nevakanga Vasara muGuta.
12 Matenga vakati baba vati, hoko yeGuta muvhangeri Nyamandura akanzi anouya Harare.
13 Matenga vakati ndakabvunza kuti anosara ari muGuta ndiyani.
14 zvikanzi hauwoni here kuti, vakasiya vapa un'anga uyo Makisiwelo.
15 Pekarepo Matenga vakati ndinotenda vaJehova nekusara vakachengeta Guta ravo.
16 Rikati nemapurisa eGuta akanga ari vatumwa chete.
17 Matenga vapedza muvhangeri Mhundwa na mabarani Rusike n Makuwerere Vakasimuka vakapupurawo nerwendo irworwo.
18 Matenga vakati vanangu mharidzo yenyu yakanga yichinyorwa. Amen.