Guta Ra Jehova
Lesson 39

Muchato Wokutanga MuGuta Itsva

1 Kwakati nerimwe Svondo paiva nemuchato waIzeki kudziwonera paGuta raJehova.

2 Vakachatiswa nemufundisi Rev. J. Patsika weku Gunde, wenyika yeBohera ndikoku kumusha kwake.

3 Asi mambo Zimunya vaivapowo nevanhu vavo.

4 vakanga vauya kuzopa Matenga imba yavo.

5 Mufundisi anoti ndafara nekuti Matenga vakabva muchechi yeWisiri, saka havana kukanganwa kwavakabva.

6 Anotondera kwaakabva nekwaakatora iri basa.

7 Rev. J. W. Patsika anotidai vafundisi vese vachiuya pano kuzotsigira iri basa, kuti kuwonekwe chokwadi chamwari.

8 Ndinotenda varume nevakadzi, mwakataura zvitadzo zvenyu zvese pamberi peMatenga.

9 Mukauya kuzotsvaga upenyu hwaMwari.

10 Anoti musazodzoka shure zvakare vanhu vaMwari.

11 Tsamba raMatewu rinoti tsvagai munowana, kunyange mukashaya hupenyu hwenyama, tsvagai humambo hwaMwari.

12 Mwari vakakupai Matenga kuti muwone nzira yekupona panyama nepamweya.

13 Mufundisi apedza kutsigira iri basa repsitsa.

14 baba vanya muchatiswa wakatsigirawo nemazwi mashomanani.

15 Kukazokandwa zvipo zanyamuchatiswa.