Guta Ra Jehova
Lesson 137

Kumacha Kwemotokari MuGuta Ra VaJehova

1 pazuva rechirongomuna mumusangano wekisimisi.

2 Matenga vamire pamberi pevadzidzi vavo rakati nhasi motokari dzose, midhudhu, mabhazi, nemabhasikoro ngazimache.

3 zvino ndakawona motokari idzi Dzakanga dzakawanda dzichitenderera divi .

4 Denga nepasi zvakatinhira ipapo.

5 zvino Matenga vakati baba vari pachigaro vati hwonaka upfumi hwandakakupa kuti upe vanhu vako.

6 Unoti kudiyiko mwana weAfrica hwonaka upfuni hwababa hwakabva muna Jeneti .

7 zvino ndakawona motokari idzodzi dzichienda kunotorawo zvigurangu zvemashizha mabhasikorowo nemidhudhu.

8 Matenga vakati unoti kudiiko, iyeyu wayikuburitsira zvose izvi waiti ndiyaniko?

9 Hauzivi here kuti Umambo hwa Zimunya mudenga urikutonga munyika ari kutonga.

10 nhasi hauwone here kuti ravataundi remotokari dzemweya mabhasikoro emweya, nemidhudhu yemweya.

11 Jerusarema rakaburuka richibva mudenga reurura upone ndiho upenyu.

12 Hamuwone here kuti motokari dzacho idzi mune vatumwa bedzi.

13 Rinodaro maZimunya makabuda zvose.

14 Motokari dzaka kwana 60 mabhasikoro 73 midhudhu 2. Amen.