Mhanje Dze Makore
1 izvi, ndirikupupura chokwadi chandakawona paGuta reMatenga.
2 ndakawona mhanje zhinji zhinji dzchiuya kumutumwa kunopihwa vana vasina mutengo.
3 Idzi mhanje dzimwe dzadzo dzaigara makore mairi dzimwe makore matatu kana marongomuna dziyine nhumbu idzodzi dzvemweya.
4 Mhanje idzi dzairapwa neruwoko chete, kunoti tsairwe benzi neruwoko runoyera.
5 Vayibereka vana vavo, vaiva nengundu dzinotyisa kwazvo.
7 Ndakagara munyika kwemakore mazhinji, asi handina kombowona munhu anopa munhu mwana neruwoko kwete.
8 Hazvisati zvamboitika kuti munhu anogara munyika kwemakore akadaro ayine mwana mudumbu kwete.
9 Hazvina kumboitika kana, hamutende here vanhu vaMwari.
10 Ini ndakawona zviro zvizhinji kwazvo, ndakawona mashura nezviratidzo, mhanje dzaipihwa vana zvirema zakafamba, mapofu akawona, mapenzi akaswatanurwa, nevayiva nemapere vakachenurwa.
11 zvino hama neshamwari inguva yenyu yekuiti muise mwoyo yenyu pakadzama.
12 nekuti ini handina kutaurirwa kwete kuti kwayiwa neMatenga. Ini ndakanyora aya mashoko, ndaka zviwonera nemeso wangu.
13 Vakandi rapa chirwere chokusabereka.
14 vazhinji zhinji wairapwa chirwere chakafanana nechangu, vese vakagashidzwa vana.
15 zvino hamutende here, kuwona baba vacipa vanhu vana.
16 Usingatende izvi vakafa acifamba zvake, nekuti vaipiwana vasina mutengo.