Guta Ra Jehova
Lesson 6

Zviratidzo Zvebasa Ravo

1 Kwakarwara mwana waChitsunge anonzi Shonha.

2 Kwaiva ne n'anga mbiri, dzakakundikana kutidzirape uyo mwana, akada kufa, dzikatiza.

3 Dzatiza dzakafunga kuti anofa.

4 Dzaenda, vakasara vakafunga kuti tinoita seiko?

5 vakatora mwana vakayenda naye kwaMhundwa.

6 Matenga vakauya kuzonamatira uyu mwana.

7 Kukabuda dhimoni rikati ndiri chikwambo, ndinoda mombe mbiri.

8 Kuzoti dzabviswa mombe mbiri idzodzo akabva apona mwana yo.

9 Vabereki vemwana iyeye nevamwe vanga varipo vakashamiswa nekupeneswa kwake.

10 Paiti kana zuva rasvika reruwadzano pachechi, vaiti kana vasimuka kuti vataurewo shoko, kana muteuro wavo.

11 vamwe vazhinji vaibatwa nemadhimoni kwaibuda mweya iyoyo yetsvina.