Kutangisa Kurwa KweMatenga MuGuta
1 Takati tabva muEaster makanga mabva kuitwa mashura nezviratidzo, zviwaru zvevanhu zvizere mukati meGuta ravo.
2 Tagara maSvondo mashomanani, Matenga vaiti pamwe nedzimwe nguva vaiwuya.
3 zvino vaiti kana vauya pamwe vaiti kana vorapa vombosiya raini riripo vodzoka muNgarava, vopetukazve vovuya vopetukazve vovuya vopedzisa kurapa.
4 Pamasonde ivovo Matenga vakatangisa kurwara vakarwara tikashaya nechokuita.
5 mwoyo weumwe neumwe ukatambudzika chaizvo.
6 Nerimwe rezuva Matenga vakanzi ngatiendei kuHarare kwakanga kuine nyaya yaivako yemwana komana wavo anoziva anoziva.
7 baba ava Vakasimuka muGuta vakaendeswa ku Highfields, pakazobuda mashura.
8 Kuzoti vatigareyi imomo vakati zvakanakai vanangu.
9 Vakati vasimuka panzvimbo yekuti vatore gwanza rekuGuta vakatora gwanza re kumanyene.
10 Vakadaro Matenga vakati kotiri kuenda kupiko.
11 Pekarepo baba vakatangisa kubatwa nemasimba pamwe neMutumwa gomo.
12 baba vakatinhira zvakatyisa vakada kubuda nepamusoro peNgarava yavo.
13 Kanguva kashomanani ikako motokari yose yakazara nemvura semwanaya.
14 zvino baba vakatinhira vakatinhira nemasimba vachisheedzera nezwi guru.
15 Kuzoti vabva ipapo ndopavakazobva vanyanya kutambudzika nekurwara.
16 Saka paine shoko riye revati pakasvika rekutanga ndopachatsika rechipiri.
17 baba ngaropefadze izvi zinyorwa zvavo nekusingaperi Amen.