Zvishamiso paChristmas muGuta
1 Izvi zvinyorwa zvangu ndezvekugumisira, apo ndainyora.
2 Yakati nguva yeChristmas yakusvika, iyo umwe neumwe anoziva.
3 Ini ndakanga ndiri muGuta raJehova, iro riri Jerusarema rakadzika munyika kubva kudenga mune wokutanga newekugumisira.
4 Mashura ari kuitwa zuva nezuva.
5 Ndakanzwa Matenga vachitaura vachiti,"Vanhu vasimudzwa naBaba zvakanyanya kwazvo."
6 "Vari kuuya kuChristmas pano."
7 Ini ndakati ichokwadi, nekuti zvaitaurwa naMatenga zvaitawo saizvozvo; tarisa Johane 3 vesi 36.
8 Kuzoti Mazuva iwayo, ndakaona motokari dzichiuya nevanhu vazhinji-zhinji, vamwe vaiuya netsoka kuuya kuGuta.
9 Pakauya mazana nemazana evanhu.
10 Huwandu hwavo hwakanga huchityisa kwazvo.
11 Kuti vanhu ava vese vari kufambira pasina here?
12 Ko vakaoneiko paGuta apa, kana kuti vakaoneiko kune Matenga , vachisiya misha yavo vachimhanyidzana zvakadai kuuya muGuta?
13 Zvirokwazvo, zvirokwazvo vakaona chokwadi chaMwari muGuta.
14 Kwete kuva vachada kunyengedzwazve nezvenyika, nekuti vaida kupona pamweya nepanyama zve.
15 Nekuti vakanga vaona chokwadi chaMatenga munyika.
16 Rasvika zuva guru rekuberekwa kwaMambo Jesu munyika iyo iri Christmas.
17 Vanhu vazhinji-zhinji vaiva muGuta, vakafuma kumuka kunze kwakuda kuyedza.
18 Vakanga vakatungamirwa naNowa, muimbi weGuta.
19 Vakanga vachiimba rwiyo runoti,Vakanga vachiimba rwiyo runoti, "Jerusarema Musha Wangu, Musha WakanakaMusha Wangu, Musha Wakanaka".
20 Vanhu ava vakanga vachiimba vachipembera nezvigurangu mumaoko avo.
21 Vaienda pamba paMatenga nepamotokari yacho vachitenderera nezvigurangu mumaoko avo.
22 Kuzoti vaenda kuDivi reUpenyu.
23 Vavhangeri vakanga vari vatatu; Muvhangeri mukuru Mr. Nyamandura, kouya Mr. Mhundwa, kozouya Mr. Chareka vakanyora tsamba yezvekuberekwa kwaJesu.
24 Vakazonzi ngavakwire mugomo.
25 Vaamo mugomo vaiimbaVaamo mugomo vaiimba "Jerusarema Musha Wangu, Musha WakanakaMusha Wangu, Musha Wakanaka".
26 Kwakapera kanguva kashomanana Baba vakabuda mumba yavo vakapfeka nguwo chena, dzakanga dzakachena sechando.
27 Vakanzi ngavachiuya kubva mugomo; vaidzika vachipembera vaine zvigurangu zvavo.
28 Baba vakamira pakati peDivi vachiti,"Mangwanani vana VaJehova, tachengetewa tose paurefu hweusiku uhu."
29 Baba vanoti,Baba vanoti, "Tinotenda Musiki vatiunganidza zvakadai nyama nemweya zvichiri pamwe.vatiunganidza zvakadai nyama nemweya zvichiri pamwe."
30 Vanhu vaipururudza vamwe vachiridza mheterwa.
31 Baba vanoti,"Vana vangu, musangano uyu, musangano wevatumwa veDenga munyika vauya vazhinji-zhinji."
32 Ipapo Baba vanoti,"Yava nguva yevatumwa iyezvino, gadzirirai hana dzenyu, kuti vabude zvino."
33 Baba vakashevedzera, vatumwa ava vakamhara mweya yavo pamunhu umwe neumwe; asi Baba vakanga vachisvetuka, vamwe vanhu vakasara vakagara, asi vamwe vakanga vava nevatumwa vaisimuka vachitenderera Divi , sevari kuda kubhururuka, maoko avo akanga akatwasanuka semapapiro, ari seri kwemisana yavo.
34 Mwoyo wangu wakava nekutyiswa kukuru kwazvo.
35 Mwoyo wangu wakaenda panoti patichitanga kunamata tinoti,Mwoyo wangu wakaenda panoti patichitanga kunamata tinoti, "Muzita raBaba neMurumbwana neMweya Mutsvene , Ameni., Ameni."
36 Ndiyeyu akauya; isu tinoti,Ndiyeyu akauya; isu tinoti, "Muzita raBaba ndivo VaJehova, neMurumbwana, ndiye Mambo Jesu, une hwai pamufananidzo wake, neMweya Mutsvene , ndiyeyu une mufananidzo weshiri., ndiyeyu une mufananidzo weshiri."
37 Munofanirwa kushamiswa, zve munofanira kurangarira pane izvi.
38 Ndiyeyu akauya muAfrica.
39 Saka hama dzangu, saka muchiona aya mashura nezviratidzo.
40 Mambo Jesu vakaratidza mapipi nezvishamiso, nezvehwai kuti Iye Mufudzi akanaka unotifudza tose.
41 Mweya Mutsvene unodzidzisa vanhu kubhururuka, nekuti iwo une mufananidzo weshiri.
42 Hakunazve umwe ari pasi pano anofundisa vanhu kubhururuka mumweya, kwete munyama, asi mweya chete.
43 "Mabasa chete ndiwo anoratidza kuti uyu ndiBaba,"rinodaro shoko.
44 Saka ndataura izvi nekuti ini handisati ndamboona zve munhu wemunyika anoita izvi.
45 Hakunazve umwe ari pasi pezuva anoita zvakadaro.
46 Munofanirwa kushamiswa nazvo nekuti hazvisati zvamboitikaba zvemunyika.
47 Ava vatumwa vakanga vachitinhira apo vakanga vachitenderera Divi .
48 Kuzoti zvapera, Baba vanoti,"Shoko rati vamwe vanzi ngavapfeke mabaneri avo vatambewo Christmas vanawo."
49 Kuzoti vapfeka ndakaona zviuno zvavo zvasungwa, mapakatwa avo apakatira mabaneri aya emumusha.
50 Vapedza vavhangeri vakataura mashoko semazuva ese.
51 Zvino Baba vakasimuka vakati,Zvino Baba vakasimuka vakati, "Musasangana neavo vane mabaneri, imi mapfeka Mweya Mutsvene , shoko radaro kubva kuna Baba iye zvino., shoko radaro kubva kuna Baba iye zvino."
52 Baba vanoti,"Chisimukai mupembere, kufarira kuberekwa kwaMambo Jesu."
53 Vakasimuka vachiimba,Vakasimuka vachiimba, "Jerusarema Musha Wangu, Musha Wakanaka Une Kudya KutsveneMusha Wangu, Musha Wakanaka Une Kudya Kutsvene".
54 Vaidimura Divi vakaita mapato nemapato, vaiti bato remasoja, vane mabaneri, vaya vakapfeka Mweya Mutsvene vegawo, varwi, vemateneti, vazere vane vana, varwere, vakomana, vapwere, nevasikana vachidimura Divi sezvinoitwa kudenga.
55 Vanhu ava vakanga vachiimba zvinotyisa kwazvo.
56 Vamiswa Baba vanoti,"Kutamba kwamwaita munoti ndekwenyu here?"
57 "Hamuzivi here kuti vatumwa vese ava vagere pamunhu umwe neumwe."
58 "Mutinhimira maunzwa here nemakwaya?" Baba vakati,"Isau idzodzo."
59 Munhu nemunhu akava nekushamiswa kukuru kwazvo.
60 Ava masikati takapinda musvondo, Matenga vauya zve.
61 Vanhu vanzi ngavafore nekupembera nezvigurangu.
62 Kuzoti tapedza, Baba vanoti,"Ko kumagumo kuchavei?"
63 Rakadaro shoko raMatenga kuguma kwazvo rufu pamagumo neizvi.
64 Rava remangwana acho takafuma kumuka, tikaenda Mudivi , takwirazve mugomo.
65 Tadzika, vanhu vachiimba takaendazve Mudivi . Baba vakaburitsa vatumwa.
66 Vamwe vaipinzwa muDenga mweya yavo, yevanhu vaya vakazofa kare; mweya iyo ndiyo mweya iya yakanga iri kuGuta raSatani, imwe yaibva mushumba.
67 Kuzoti ava masikati vanhu vakapindazve Mudivi , vakanga vachiimba zvinotyisa kwazvo.
68 Baba vakauya, vakati vamire pakati pevanhu vavo vazhinji-zhinji.
69 Vakati,Vakati, "Ko muri kudeiko? Kuti zvifananidzo zviuye, kana kuti mumache, kana kuti motokari dzitenderere Divi dzaJeneti? Radaro shoko kubva kuna Baba.dzaJeneti? Radaro shoko kubva kuna Baba."
70 Vanhu vakati,"Tinoda zvifananidzo, nekuti vaiziva kuti tabviswa zvifananidzo izvi, tinonunurwa kubva mumadambudziko."
71 Baba vakamira vakati nezwi chete,"Zvifananidzo ngazviuye!"vachimhanya apa neapa Baba vachishevedzera nezwi guru.
72 Vanhu vaMwari, ndakaona zvifananidzo zvichiuya zizhinji-zhinji; zvaibuda pamunhu nemunhu, vakuru nevadiki, zvichipunzikira Mudivi .
73 Zvimwe zvaiva zvevanhu vapenyu, zvaiuya zvichitaura, zvichironora sekuroya kwazvo.
74 Zvimwe zvaibvisa nembatya, zvichizoita izvo zvaitisoita kare; zvaibuda zveuroyi, njuzu, n'anga , mangoromera, nezvakasiyana-siyana.
75 Zvimwe zvaiuya zvichireurura zvivi zvazvo, kuti zvione kupinzwa muDenga naMatenga.
76 Zvapedza kureurura, mweya iyoyo yakagarira kuti ichipinzwa muGuta rekuDenga, muJerusarema, muGuta raJeneti, muGuta raMambo Jesu.
77 Baba vakati,"Imbai 'Jerusarema Musha Wangu'."
78 Baba vakanga vazere nemasimba anotyisa kwazvo; mweya iya yose yakatinhira ichienda muMusha yose.
79 Kuzoti zvapera Matenga vakati,"Chimboforai"; tapedza kufora Mutumwa akati,akati, "Shoko rati motokari dzaJeneti ngadzitenderere Divi .."
80 Dzakatenderera, denga nepasi zvakatinhira.
81 Ndakaona motokari dzichinotorawo zvigurangu, dzichipemberawo, nekuti dzakanga dziri motokari dzaMatenga.
82 Baba vanoti,Baba vanoti, "Jeneti vatendesa.vatendesa."
83 Vanoti,"Mafunga zvipi vana veAfrica mumwoyo yenyu? Rinodaro shoko, ukada zvenyama unopupura zvenyama, ukada zvemweya uchagashira upenyu husingagumi."
84 Apo Matenga vairapa vanhu, Manatsi Ndoro ndiye aiverenga vanhu Mudivi .
85 Dai tachengeta mirairo yaMatenga tingazova neupenyu husingagumi.
86 Tiise pfungwa pakadzama pane izvi tose.
87 Rakati rava zuva reChishanu Matenga vamire Mudivi vanoti,"Nhasi kune zameinesheni revasikana nevakomana."
88 Vakaenda kuJorodhani nevatungamiri vavo.
89 Kuzoti vakudzoka vakanga vava nezvigurangu vachipembera.
90 Nevabereki vevana ava vakasimuka vachipemberawo.
91 Vese vakabva kuJorodhani vakanzi itai raini; vakanga vakagara vakanangisa kumabvazuva.
92 Baba vakanamatira mvura, ikava mushonga.
93 Vakatanga raini revasikana, kukazogumisira raini revakomana.
94 Vaine mbiwa muchinjiko panhuma dzavo, vachinwiswa mvura iyoyo, imwe vachidudirirwa mumaziso avo, kuti ruchiva rubve muvana ava.
95 Izvi hazvisati zvamboitika munyika, bva netsitsi dzavo zvakuburitswa pachena; rakava pipi guru; kuone vakaona izvi anopupurana neni paaya mashoko.