Guta Ra Jehova
Lesson 53

Kupfekedzwa Kwevarume paGuta

1 Tichiri kuGuta ravo paSeke, Matenga vakanga vataura ivo VaJehova, kana kuti vakanga vaporofita kuti varume vanofanirwa kutenga yunifomu yezvikabudura nemajamba acho.

2 Vakazvitaura kuGuta ravo, asi vanhu havana kuda kuteerera shoko raBaba kwete.

3 Kuzoti Baba vava kuGuta idzva maZimunya, vakataurazve kuti varume munofanirwa kuva neyunifomu, yekurwa naSatani.

4 Varume vaviri vakaenda vakatenga dzavo, vakapfekedzwa nevavhangeri. VaNyamandura naVaMhundwa, ndi D. Mutambanashe na J. Tawengwa.

5 Baba vakava nekufara kukuru.

6 Kuzoti shoko raBaba varamba vachitaura kuti,"Munofanira kutenga idzi yunifomu."

7 Vanhu vazhinji vakatengawo.

8 Vaenda mumba yekupfekera vakawanda chaizvo.

9 Vaipfekedzwawo sezvatakaitwa. Vanoti vobva mumba imomo, vapfeka vachifora semasoja arikuenda kuhondo, vachipinda Mudivi ; vanenge vachimira pamberi peMutumwa.

10 Vanenge vachiforeswa naVaW. Nyamandura.

11 Vanhu vanenge vachiimbaVanhu vanenge vachiimba "Jerusarema Musha Wangu, Musha WakanakaMusha Wangu, Musha Wakanaka".

12 Baba nedzimwe nguva vanosimuka vachitaura aya mashoko ekuti:

13 "Mapfeka iyi nguwo yemweya yekurwa nayo pamweya, kwete panyama."

14 "Kabva haidiwi kuti muchanopomba, kuba, kuroya, kupokana, kumwa, kusvuta nekuita mabasa ese asakafanira; hokoyo nayo, muchenjere nayo."

15 "Ndeyekurwa naSatani chete."

16 "Iyi yunifomu haidi; muregere mabasa ese akaipa kubvira nhasi kusvikira narinhi."

17 Kana Baba vapedza, kunosimuka vavhangeri vachitaurawo maererano nazvo; ndiW. Nyamandura, P. Mutudza, S. Mhundwa.

18 Hamufare here vanhu vaMwari, kupfekedzwa nhumbi dzekupinda nadzo muMusha asi tichiri vapenyu?

19 Idzi nhumbi ndedzekupinda nadzo muMusha weJerusarema, umo munoyerera uchi nemukaka, munodyiwa hurukuru chete.

20 Kana tikateerera zvinotaurwa naMatenga nekuchengeta mirairo yavo, tichapinda muMusha unoyera, uyo tese takagadzirirwa.

21 Tikaramba tichishingirira, Iye haazotisiyi muUmambo hwake hunoyera.

22 Vanenge vakateerera zvakataurwa naBaba kuti,"Pfekai yunifomu,"vakwana 1,550 varume huwandu hwavo nanhasi varikungopfeka chete.

23 Vanoti rasvondo, zuva rodoka nemusi weSvondo.

24 Vanhu vanovamba kufora zvipato nezvipato.

25 Varwi vaiforeswa naChakanyuka Masiyiwa, veMateneti vega, vazere vega, varume vasina yunifomu vega, varwere vega, vapwere vega.

26 Vanenge vachiimbaVanenge vachiimba "Jerusarema Musha WanguMusha Wangu".

27 Vachifara zvikuru kwazvo. Zviri paGuta raJehova zvinoshamisa chaizvo.

28 Bva ndine rombo rakanaka nekuti ndakaona izvi ndichiri mupenyu.

29 Kunyora izvi sandi kururama ba vanhu vaMwari, asi itsitsi dzavo Matenga , ndivo vakanditungamira izvi.

30 Chishamiso ndechekuti apo vanhu vanenge vachifora Baba vanenge vasipo ba; kuzoti ava manheru munonzwa makwaya enyu aya otaurwa, atora nhamba wani, nedzazoteerawo shure.

31 Ngatiisei pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.