Tsananguro yavo paGuta Idzva
1 Matenga vamire pakati pevanhu vavo vazhinji-zhinji, vachitaura aya mashoko aMai Kahari.
2 Rufu rwaMai Kahari rwakafadza Guta kwemazuva mana, kubvira paChina kusvikira paSvondo, kuine rufaro kwazvo.
3 Sokunge kusina kumboitika rufu kwete.
4 Guta rikakurumbidza Mwari usiku nemasikati pachokwadi.
5 Kukanamatwa zvinotyisa kwazvo.
6 Vanhu vakapemberera hama yakachengeta mutemo waMatenga.
7 Vakafa vaine nhumbu yemweya, vachizopfekawo mateneti sevamwe.
8 Asi Matenga vanoti ane mwana wake; vane mazita avo: Mai Meri, mwana Febi, ari muGuta raMatenga.
9 Asi muDenga munopindiwa neakashingirira kuchengeta mitemo yavo.
10 Ndivo vakazarura musuwo weMateneti.
11 Wakanga wakapfigwa nekudarika mirairo yaMwari.
12 Hauna kuzopfigwazve nenzira yekubudirira kwavo; pakaitika pipi guru chaizvo.