Kusimuka kwaMatenga muAfrica Mugore ra1960
1 Kusimuka kwaBaba muAfrica mugore ra1960, kwakanetsa uye kwakatambudza mwoyo yevanhu.
2 Kwakati munhu wese anzwa kuti Baba vaenda pachigaro; uye nguva iyoyo haina kumbovapoba pasi pezuva.
3 Uye chinhu ichochi chakatikurira chaizvo nekuti mwoyo yedu yakanga ichiri midiki, uye hachina kumboitikazve pasi pezuva.
4 Kwakati Baba vaiswa paimba iya yaiva paya, varere imomo.
5 Vakapedza mazuva matatu vasina kukotswa; vakazokotswa nezuva reChina racho.
6 Tinoriripa nei ropa rakaparara risina mhosva?
7 Vakazvipira kuti iwe neni tione kupona panyama nepamweya.
8 Baba ava vakapedza mazuva mana, rechina racho; rangarira, imise pfungwa pakadzama iye zvino.
9 Saka uchiona ropa rakatsvukatsvuka pamazuva aya mana, rangarira.
10 Musangano uyu wokupfuura kwaBaba; hazvina kumboitika kuti ropa ripfekwe mazuva mana.
11 Asi Judhasi akaita iri basa ane nhamo.
12 Kana vaiva pakupomba muGuta, kuroya, makuhwa; chiziva kuti uJudhasi hwako hahuzoperi.
13 Unozoramba uchiparidzwa kusvikira pakuguma kwenyika.
14 Kufanana naJudhasi wekutanga, nanhasi uno arikunoparidzwa nyangwe nemumasinagogi.
15 Zvamaiita zviya maiti zvakavandika, nyamba zviri pachena kwavari.
16 Kana wakaroya, kana kupomba, uri mujaya, musikana, kana amai kana baba panguva idzodzo, reurura upone.
17 Kana usina kureurura, uJudhasi hwako hahuzoperi kusvikira narini.
18 Nekuti chinhu chawakaita ichi chakakonzera kuti Africa isare yava nherera.
19 Zvino vanhu vanenge vakapfeka yunifomu yaJeneti, Masoja naMhiriyemu.
20 Pamazuva aya ose mana emusangano weropa ravo.
21 Zvino Mambo Jesu vakagara pamuchinjikwa pazuva rimwe, rechipiri vakakotswa.
22 Asi Matenga vedu ava havana kudaro; vakagara mazuva matatu, reChina vakazokotswa.
23 Zvinoreva kuti vakagara varipo pamuchinjikwa kwemazuva mana, rechina racho vakazokotswawo.
24 Isu vana ve G.R.J. hatisisina Kisimusi kwete.
25 Tava neIsita yedu sezuva rakayeuka ropa raBaba vedu.
26 Ichi chinhu chitsva muAfrica nepasi rose.
27 Baba ngavaropafadze aya mashoko avo nekusingaperi. Amen.