Kuuya KweMutumwa Mukuru muGuta
1 Nerimwe svondo muGuta makaita mumwe musangano unotyisa kwazvo.
2 Wakanga uri weMutumwa Hana naChigurangu nevamwe vatumwa vakuru vakuru.
3 Zvino Hana akanga adzika kubva mumaguta ekudenga.
4 Zvino Mutumwa Hana akaiswa pana Mai Chareka, akanzi ndiye Cheyamani wemuGuta.
5 Nekuti Mutumwa Hana akanga ari Cheyamani wekudenga.
6 Mangwanani acho iwoyo Mudivi makazara nezvigurangu zvemashizha, Matenga vasati vauya.
7 Kuzoti Baba vauya, vakati,"Nhasi vatumwa veDenga vari kupfekedzwa yunifomu tsvuku yaJeneti."
8 "Kwete dziya, Baba havadziziviba nepadiki pese."
9 "YaJeneti ndiyo yandakanosangana nayo kudenga."
10 Ndozuva rakapfekedzwa Mutumwa Chigurangu pana Mai Mamvura, pamwe neVavhangeri vaviri naMabarani.
11 Pakarepo vakagara pasi vakanwiswa chipikirwa .
12 Vakanga vakapfeka mikwakwa mitsvuku; masoja vakanga vachiimba vachitambira musangano.
13 Matenga vakati,"Mabhande aya anobva muGuta raJesu."
14 "Zviri mumaguta ekudenga nhasi zvinotyisa kwazvo vana vangu."
15 "Hucheyamani hwaisipiwa nekuzivikanwa, asi uhu hahuna kudaro."
16 "Kwete kupfeka bhachi nebhande vabva kuroya, kana kupomba, kuputa fodya, nhasi mayereswa; mufu nekuti mapfekerei."
17 Matenga vakati,"Nhasi ndinokuudzai zviri kuitika kudenga mumaguta."
18 "MuGuta raMambo Jesu anopa mabhande ndiCharisi; ndiye mukuru imomo."
19 "Chinondodzova zvacho chirimo mukati mevadzidzi muGuta iroro."
20 Pakarepo Matenga vakati,"Zvava kwauri kuti unoda kuenda kuGuta ripi wozvisarudzira."
21 "Jobho makamuona pagedhi nechamboko chake nevatumwa vake; hakudikanwi chakaipa kana nechidiki zvacho."