Guta Ra Jehova
Lesson 107

Kushandurwa Kwemvura muGuta raVaJehova Ikava Mishonga

1 Yakanga iri nguva yemangwanani muGuta, Matenga vakauya, vakati,"Vana vangu, endai mundochera mvura kurukova iyezvino muuye nayo."

2 Vadzimai vakasimuka vakaenda kunochera mvura, vakauya nezvirongo zvizere nemvura.

3 Zvino Mabarani vakauya nebhuku rakanga rakanyorwa mishonga nemazita ayo.

4 Achitaura mazita ehosha dzakasiyana-siyana, idzo dzakanga dzichirwadza vanhu muGuta. Tarisa Madzimambo 2: 19–20.

5 Baba vakanamatira mvura iyoyo ikava mishonga yakasiyana-siyana.

6 "Ndiyo mvura yamunoona vanhu vese ava votarisika sevaberekwa nhasi."

7 "Ndiyo yakatwasanura vaipomba, vaiba, vaiva neruchiva; zvose zvikapera, ikashandurwa ikava mupfuwira."

8 "Ndiyo mishonga chete yemuGuta; mvura bedzi."

9 "Munhu anopona kana anwa ainerudaviro,"vanodaro Matenga vanhu vaShe.

10 Hazvinei kana muchitukwa kana muchishorwa, bedzi ngatibatisei chete. Amen.