Kushandurwa Kwemvura muGuta raVaJehova Ikava Mishonga
1 Yakanga iri nguva yemangwanani muGuta, Matenga vakauya, vakati,"Vana vangu, endai mundochera mvura kurukova iyezvino muuye nayo."
2 Vadzimai vakasimuka vakaenda kunochera mvura, vakauya nezvirongo zvizere nemvura.
3 Zvino Mabarani vakauya nebhuku rakanga rakanyorwa mishonga nemazita ayo.
4 Achitaura mazita ehosha dzakasiyana-siyana, idzo dzakanga dzichirwadza vanhu muGuta. Tarisa Madzimambo 2: 19–20.
5 Baba vakanamatira mvura iyoyo ikava mishonga yakasiyana-siyana.
6 "Ndiyo mvura yamunoona vanhu vese ava votarisika sevaberekwa nhasi."
7 "Ndiyo yakatwasanura vaipomba, vaiba, vaiva neruchiva; zvose zvikapera, ikashandurwa ikava mupfuwira."
8 "Ndiyo mishonga chete yemuGuta; mvura bedzi."
9 "Munhu anopona kana anwa ainerudaviro,"vanodaro Matenga vanhu vaShe.
10 Hazvinei kana muchitukwa kana muchishorwa, bedzi ngatibatisei chete. Amen.