Guta Ra Jehova
Lesson 147

Kuvigwa KwaJesu muGuta PaEaster

1 Pazuva reChishanu ichocho vanhu vakazoswera vopfekedzwa Ropa raMambo Jesu.

2 Mikwakwa, mabhande matsvuku e G.R.J. eRopa, neyunifomu yaMiriemu naJeneti.

3 Mangwanani eMugovera takafumamuka, Matenga vakauya Mudivi .

4 Rikati,"Vatumwa veDenga vati dai panga pasina varume vaviri ava, Josefa naNikodhimo, zvaidai zvaita seiko?"

5 Baba vakati,"Ndinotenda vatumwa veDenga varara varinde mumba mangu."

6 Zvino Baba vakati,"Ndaratidzwa kuroverwa kwake, achipfirwa mate."

7 "Unoti kudiiko, nhasi waiswa muguva nevarume vaviri avo."

8 "Zvino vasarudza varume vakasimba vekuti varinde guva rake."

9 "Honai, vagarira paguva rake iye zvino."

10 "Saka zvidariko zvenyu zvose zvakanyorwa."

11 "Unoti kudiniko mumwoyo wako nepfungwa dzako, wazvivisa papiko nhasi uno?"Tarisa Ruka 23: 50–56.