Kuvigwa KwaJesu muGuta PaEaster
1 Pazuva reChishanu ichocho vanhu vakazoswera vopfekedzwa Ropa raMambo Jesu.
2 Mikwakwa, mabhande matsvuku e G.R.J. eRopa, neyunifomu yaMiriemu naJeneti.
3 Mangwanani eMugovera takafumamuka, Matenga vakauya Mudivi .
4 Rikati,"Vatumwa veDenga vati dai panga pasina varume vaviri ava, Josefa naNikodhimo, zvaidai zvaita seiko?"
5 Baba vakati,"Ndinotenda vatumwa veDenga varara varinde mumba mangu."
6 Zvino Baba vakati,"Ndaratidzwa kuroverwa kwake, achipfirwa mate."
7 "Unoti kudiiko, nhasi waiswa muguva nevarume vaviri avo."
8 "Zvino vasarudza varume vakasimba vekuti varinde guva rake."
9 "Honai, vagarira paguva rake iye zvino."
10 "Saka zvidariko zvenyu zvose zvakanyorwa."
11 "Unoti kudiniko mumwoyo wako nepfungwa dzako, wazvivisa papiko nhasi uno?"Tarisa Ruka 23: 50–56.